Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Maviri Votyirwa Kuti Vakafa Pakadhirika Mugodhi kuKwekwe


Vanhu vanodarika makumi maviri vanotyirwa kuti vangadai vakavharirwa mumugodhi weGlobe and Phoenix uri kuKwekwe mushure mekudhirika kwemumwe mwena wemugodhi uyu.

Mutungamiri werimwe sangano rinomirira vashandi vemumigodhi, reNational Mine Wokers’ Union of Zimbabwe, VaNdodana Sithole vanoti sangano ravo ratambira mashoko ekuti mitumbi minomwe yakanga yaburitswa nezuro manheru.

Mugodhi weGlobe and Phoenix unonzi wakavhariswa nebazi rezvemigodhi pamwe neEnvironmental Management Authority muna 2007, mushure mekunge waonekwa kuti waiisa vashandi munjodzi, asi zvinonzi vanhu vanga vachiramba vachipinda mumugodhi uyu vachichera goridhe zviri kunze kwemutemo.

Bepanhau reHerald, rinoti chikwata cheboka rinonunura vanhu munjodzi reCivil Protection Unit chakapinda mumugodhi uyu kunoongorora nezvetsaona iyi chakawana mitumbi miviri, uye basa rekununura vanhu ava zviri pamutemo rinonzi rakanga risati ratanga.

Studio 7 yakundikana kubata veCivil Protection Unit kuti tinzwe kana vanga vatanga kununura vakawirwa netsaona ava.

Takundikanawo kubata mutauriri wemapurisa VaPaul Nyathi kuti tinzwe huwandu hwevanhu vangadai vari mumugodhi uyu, pamwe mitumbi yawanikwa.

Hurukuro naVaNdodana Sithole
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG