Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Matatu neVaviri (32) Vofa neCovid-19 neChipiri Ukowo America Ichibvisa Zvirango zveKushanya


VaJoe Biden
VaJoe Biden

Bazi rezvehutano rinoti nezuro vanhu makumi matatu nevaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zviuru zvina nemazana mapfumbamwe nemakumi mana kana kuti 4, 940.

Pavanhu vakafa ava, gumi nevaviri vakashaya vari kumba. Vanhu zviuru zviviri nemakumi mapfumbamwe nemapfumbamwe kana kuti 2099 vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira vave mazana maviri ezviuru nemashanu zvine mazana manomwe nemakumi matatu nevapfumbamwe kana kuti 205 739.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vabayiwa nhomba yekutanga vave mamiriyoni mana nezviuru zana nevatanhatu zvine mazana masere nemakumi manomwe nevashanu kana kuti 4 106 875.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri sezviri kukurudzirwa vave mamiriyoni matatu nezana rezviuru negumi nevashanu zvine zana nemakumi mapfumbamwe nevanomwe kana kuti 3 115 197.

Kutanga nezuro, hurumende yakatangawo kuzivisa nezvehuwandu hwevanhu vabayiwa nhomba katatu. Vanhu vabayiwa nhomba kechitatu vave zviuru zvitatu nemazana mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe nevatatu kana kuti 3 993.

Parizvino vanoshanda muzvipatara nemabasa aboita kuti vasangane nevanhu vakawanda ndivo vari kubayiwa nhomba nevamwe vakwegura nevane zvirwere zvinogona kuvapinza munjodzi vakabatwa nechirwere ichi.

Tichiri panyaya iyi, mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vakazivisa zviri pamutemo nezuro kuti vave kubvisa mutemo wekurambidza kushanyanyira nyika yavo vanhu vanobva kunyika sere dzekuchamhembe kweAfrica kusanganisira Zimbabwe mushure mekunge South Africa yazivisa kuti chirwere cheCovid-19 chemhando yeomicron chainge chonyanya kupararira munyika iyi.

Asi zvekumborambidza vanhu kushanya izvi zvinoshanda here? Tabvunza nyanzvi munyaya dzezvezvirwere zvekutapuriranwa Muzvinafundo Davson Sangweme vanodzidzisa paNorth Carolina University muAmerica vanoti zvekurambidza vanhu kushanya zvange zvaitwa neAmerica hazvinyatsoshande.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG