Accessibility links

Breaking News

Vane Husope Vocherechedzwa Pasi Rose Nhasi


Sangano rinomiririra vane husope reAlbino Trust of Zimbabwe riri kubata nedzimwe nyika pasi rino kupemberera zuva re International Albinism Awareness.

Albino Trust of Zimbabwe iri kuvhura muzinda wezvinodiwa nevane husope zvakanangana nekuvabatsira kurarama zvakanaka. Mahofisi aya ari kuBorrowdale.

Sangano iri rinoti richachabatsira kuti vane husope vawane magirazi ekuonesa nezvimwe. MuHarare nhasi sangano iri riri kuita mitambo yakasiyana siyana kucherechedza zuva revasope iri.

Mukuru we sangano reAlbino Association of Zimbabwe Amai Memory Munyoro vanoti vanhu havanyatonzwisisa mararamiro avo nekudaro panoda dzidziso.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG