Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Votura Bhajeti Vachiti Vanhu Vasunge Dzisimbe


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Gurukota rinoona nezvehupfumi Muzvinafundo Mthuli Ncube nemusi weChina vakatura bhajeti remari inodarika mabhiriyoni masere kana kuti US$8.16 billion regore ra2019.

Hurumende inotarisira kushandisa mari inosvika US$8.16 bhiriyoni mugore ra2019 kunyangwe hazvo iri kutarisira kuwana mari inosvika 6.6 bhiriyoni. Izvi zvinoreva kuti mari iri kutarisirwa kushandiswa muna 2019 nehurumende inodaririka bhiriyoni imwechete nechidimbu kubva pamari ichawanikwa nenyika.

Vachitura bhajeti iri, VaNcube vakati bhajeti ra2019 rakatarisira kugadzirisa matambudziko ari munyika kusanganisira kushandisa mari yehurumende zvinemwero, kuumba mabasa, hutongi hwejekerere, kurwisa huori nezvimwewo.

VaNcube vakati zvimwe zvichaitwa kushandisa mari yehurumende nehungwaru zvinosanganisira kudzikisa mari yemihoro yevakuru muhurumende, kumisa basa vechidiki veZanu-PF kana kuti mayouth officers, kubvisa vashandi vasiri muhurumende pamwe nekuona kuti mota dzehurumemde hadzishandiswi nguva dzebasa dzapera.

VaNcube vakati vashandi vehurumende vachawana mari yebhonasi gore rino. Hurumende inotiwo mukuti vawane mari vachatangawo kubhadharisa mari yemitero yezvinhu zvakadai semotokari, zvekukwenenzvera kumeso kwevanhukadzi, mabhegi evanhukadzi, zvekushandisa muchimbuzi nezvimwewo nemari yekunze kunyangwe hazvo hurumende ichirambidza veruzhinji kutengesa zvinhu nemari yekunze chete.

Hurumende yakaisawo mamiriyoni makumi mashanu nematatu kuzoripa varimi vechichena vakatorerwa mapurazi.

Hurumende inotiwo zvinhu zvakadai sezvinoshandiswa nevanhukadzi pakutevera , fotereza yeAmmonium Nitrate, zvinobikisa chingwa, mabhazi nezvekubikisa mishonga ndezvimwe zvichange zvisingabhadhari mutero kupinda munyika.

Vamwe vakataurawo neStudio 7 vanoti bhajeti iri riri kuomesera vanhu. Asi mumashoko avo VaNcube vakati kuti zvinhu zvinake vanhu vanofanirwa kusunga dzisimbe.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Muzvinafundo Gift Mugane, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vanoti VaNcube vakabaya dede nemukanwa asi vakaresva pakubhadharisa vanhu mutero nemari yekunze kana vachitenga dzimotokari kunze kwenyika.

Hurukurona naMuzvinafundo Gift Mugano
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG