Accessibility links

Breaking News

Vanasikana Vanodarika Zana Vanobatwa Chibharo Mukati meMasvondo Maviri

Kebbeh Kamara
Kebbeh Kamara

Mutauriri wemapurisa, VaWayne Bvudzijena, vanoti mapurisa ari kushushikana nekutyorwa kwemitemo munyika.

Mapurisa anoti vanasikana zana nemakumi maviri nevana vakabatwa chibharo munyika mukati memasvondo maviri ekutanga kwaGunyana.

Mutauriri wemapurisa, VaWayne Bvudzijena, vaudza pepanhau re Herald kuti mumwedzi wa Gunyana chete, vanhu makumi maviri nevashanu vakaurayiwa munyika nematsotsi.

VaBvudzijena vanoti mapurisa ari kushushikana zvikuru nekukwira kuri kuita nyaya dzakubhinywa pamwe nekupondwa kwevanhu munyika vachiti vana vazhinji vari kubatwa chibharo nevanhu vavanoziva.

Matunhu eHarare, Mashonaland East neMidlands ndivo anonzi ane nyaya dzakawanda kupfuura mamwe.

Mukuru we Women’s Trust, Muzvare Precious Gomberavaudza, vanoti matare anofanirwa kupa mitongo yakakura kuitira kuti vanhu vatye kubata chibharo kana kuita zvehumhondi.

This item is part of
XS
SM
MD
LG