Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Voyambira Vanhu Kuti Vanogona Kufa neKupisisa kweZuva


A child cools off in a public pool in Soweto, South Africa, Jan. 17, 2014.
A child cools off in a public pool in Soweto, South Africa, Jan. 17, 2014.

Mumwe chiremba ari kuyambira vanhu munyika kuti vangwarire hutano hwavo munguva ino yezhizha sezvo kupisisa kwezuva kana kuti heat wave kuchigona kukonzera zvirwere zvinokwanisa kuti varasikirwe nehupenyu hwavo zvakaita sekutadza kunyatsoshanda kwemitezo kana pfungwa dzavo kana kuti Heat Stroke.

Chiremba Josephat Chiripanyanga avo vanorapa varipaChinhoyi Mall Medical Centre vari kuyambira veruzhinji kuti kana kunze kuchipisisa vanofanira kugara pamumvuri uye kuonawo kuti vacheche vakachengetedzeka.

Dr Chiripanyanga vaopa semuenzaniso chirwere chenhova chinobata vana vari pasi pegore icho chinokonzerwa nekushayika kwemvura mumiviri. Vanoti zvakakosha kuti vanaAmai vayamwise vana uye kuvapa mvura ine munyu neshuga yakawanda kana kuchipisisa.

Vanoenderera mberi vachitsanangura zvimwe zvezvinhu zvinoratidza kuti munhu ave nedambudziko reHeat Stroke.

Dr Chiripanyanga vanoti kana munhu akadikitira zvokupera mvura mumuviri zvinokonzera kusashanda kwakanaka kwe itsvo, chiropa nemwoyo zvinozokonzera kufa kwemurwere.

Vakaendera mberi vachiti chimwe chikwata chevanhu vanosangana nechirwere cheHeat Stroke ndevaya vanorarama nehusope.

Mashoko aya akatsinhirwa naMuzvare Gamuchirai Uzande vanoshanda nesangano reAlive Albinism Initiative avo vakataura kuti vana verudzi urwu vari kupiswa nezuva zvakanyanyisa kumamisha.

Dr Chiripanyanga vari kukomekedza vanhu kuti vanwe mvura yakawanda panguva ino yezhizha nokuti kupisa kwezuva kunopa kuti varasikirwe nemvura yakawanda mumuviri.

Chiremba ava vakatsanangura zvinoitika kana munhu akadikitira zvokupera mvura mumuviri wake.

Vanoenderera mberi vachiti kunyangwe vanhu vakawanda vari panjodzi yekufa neheat stroke, vanhu vashoma vanoziva kuti kupisisa kwezuva hakuna kunakira hutano hwavo.

Mumwe chiremba akaramba kudomwa zita rake akatsigira zvose zvakataurwa naDr Chiripanyanya achiti munhu anogona kugwinha kana kufenda nenyaya yekushaya mvura mumuviri.

Chiremba uyu akaendera mberi achitsanangura zvakare kuti kudzikira kwenhova ndicho chimwe chezviratidzo chokuti mwana haasisina mvura mumuviri.

Chikamu chikuru chevanhu vanogara pasi rose chakatarisana neHeat Stroke kubudikidza nekuchinja kuri kuita mamiriro ekunze sezvo nyika zhinji dzavekupisa zvakanyanyisa.

Heat Stroke inoita kuti muviri wemunhu uite sekunge uri kubikwa zvishoma nezvishoma zvokuti vana vadiki nevakwegura ndivo vanonyanya kubatwa nehurwere uhwu.

Vanhu vanodarika zviuru gumi, vakafa kuMoscow mugore ra 2003 nenyaya yekupisisa kwezuva uye mugore 1995 vanhu vanodarika mazana manomwe vakafa mudunhu reChicago kuAmerica mumazuva mashanu nekupisisa kwezuva.

Kunze kwekufa kwevanhu, zvipfuyo nemhuka dzemusango zviriwo munjodzi yekufa nekuda kwekupisisa kwezuva.

Bazi remamiriro ekunze kuchamhembe kweAfrica re Sadc Climate Services Centre riri kuyambirawo vanhu muZimbabwe kuti vangwarire kupisisa kwezuva uye kuti vanwe mvura yakawanda nekusafamba nzendo refu kana kuchipisisa zvakanyanya.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG