Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Voramba Kurudziro yeHurumende Yekuti Vadzokere kuMabasa


Vana chiremba vachiratidzira
Vana chiremba vachiratidzira

Vanachiremba munyika varamba kutambira kurudziro yehurumende yekuti vadzokere kumabasa nhasi vakatiwo vave kuda kubuda musangano rinomirira vashandi vehurumende reHealth Apex Council.

Vanachiremba ava vaungana muHarare vakaratidzira pachipatara cheParirenyatwa vachiti hazvibatsiri kuti hurumende ivatyisidzire kuti vadzokere kumabasa vasina mari.

Mumwe chiremba anga achiratidzira Dr Learnmore Shoti vati kuda kuvatyisidzira kuti vadzokere kumabasa hakuna zvakunoshanda sezvo vari kunonga svosve nemuromo.

Mumwe chiremba asina kuda kudomwa nezita atiwo sezvo hurumende iri kukwidzawo zvinhu zvakaita semafuta ekufambisa dzimotokari, magetsi nezvimwewo zvichienderana nehuremu hwedhora rekuAmerica (Interbank Exchange Rate), naivo vanodawo kuti mari dzavo dzemihoro dzienderane nerate inenge iripo pavanotambira.

Vanachiremba varatidzira vakananga kumahofisi eHealth Services Board uko vanosiya tsamba yenyunyuto vachishora nyaya yekutyisidzirwa uye vachitiwo vari kuda kubuda zviri pamutemo kubva musangano reHealth Apex Council rinomirira vashandi vose vehurumende.

Vakafanobata chigaro chemunyori musangano reZimbabwe Hospital Doctor’s Association, Doctor Tawanda Zvakada vati vanachiremba vaona zvakakodzera kubuda mumubatanidzwa wevashandi vari pasi pebazi rezvehutano sezvo risisamirire zvido zvavo.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutungamiriri wesangano ravanachiremba reZHDA, Doctor Masimba Dean Ndoro vati vari kuda kuti HSB itsvake imwe nzira yekuti vanzwe zvichemo zvavanachiremba kuitira kuti dambudziko ravo rigadziriswe.

Vana chiremba vashoma shoma ndivo vanga varikubatsira pachipatara cheParirenyatwa izvo zvasiyawo varwere vari panyanga dzamushore.

Amai Sandra Mushonga avo vane mwana ari muchipatara cheParirenyatwa vati mwana wavo haasi kuonekwa nanachiremba nguva dzese. Vati dai hurumende yagadzirisa zviri kudiwa navanachiremba kuitira kudzivirira kurasikirwa nehupenyu.

Kunyangwe hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka kuzvipatara, sachigaro weHealth Services Board, Dr Paulinus Sikhosana vaudza Studio 7 kuti vanachiremba vadzokere kumabasa. Dr Sikhosana vatiwo kuumba rimwe boka rekuti vawane kutaurirana nanachiremba zvinotora nguva.

Health Apex Council ine masangano anosvika gumi nemaviri anomirira vashandi vakasiyasiyana vari mubazi rezvehutano kubvira kune vanoita zvekuchenesa muzvipatara.

Vana chiremba vanoti kusangana kwevanhu vanoita mabasa akasiyana-siyana kuri kupa kuti vamwe vashandi vabvume mari dzinenge dzataurwa nehurumende chero dziri shoma shoma. Kuramwa mabasa kwavana chiremba uku kwakatanga musi wa3 Gunyana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG