Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Vopikisa Mutongo weKuti Vadzokere kuMabasa


vanachiremba vachiratidzira muHarare

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru musangano reZimbabwe Hospital Doctors Association Dr Tawanda Zvakada vanoti vari kuzokwira kudare repamusoro soro vachipikisa mutongo wedare reLabour Court wekuti vadzokere kumabasa.

Dare rakapa mutongo uyu nemusi weChishanu mushure mekunge vanachiremba vave nemazuva makumi mana nematatu vachiramwa mabasa nenyaya yemihoro yavanoti haisi kuvakwanira.

Kunyangwe dare rakati vadzokere kumabasa, vanachiremba ava vanoti havana kana mari yebhazi chaiyo.

Vanotiwo hurumende iri kuziva pavamire kunyangwe hazvo nhaurirano dziri kutarisirwa kuenderera mberi svondo rino.

Hurukuro naDr Tawanda Zvakada
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG