Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Vokurudzira Vanhu Kubayiwa Nhomba yeCovid-19 Sezvo Vasina Vakawanda Vofa


Gwaro rakaburitswa nemukuru anoona nezvekurwisa chirwere cheCovid 19 muhofisi yemutungamiri wenyika, Doctor Agnes Mahomva, rinonzi Covid 19 Admissions and Community Deaths by Vaccination Status,” rinoratidza kuti sezviri kuitikawo munyika dzakaita seAmerica parizvino, vanhu vasina kubayiwa nhomba ndivo vari kufa zvakanyanya nechirwere cheCovid-19.

Pavanhu mazana maviri nevanomwe vakaongororwa muZimbabwe mushure mekufa nechirwere cheCovid 19, zvikamu makumi masere nezvisere nezvidimu zvipfumbamwe kubva muzana kana kuti 88.9% vanhu vakange vasina kubayiwa nhomba yeCovid 19.

Gwaro iri rinotiwo pavanhu ava zvikamu zvitatu nezvidimu zvina kubva muzana (3.4 percent) vanhu vakafa vabayiwa nhomba yekutanga chete, uye zvikamu zvina nezvidimu zvisere kubva muzana (4.8 percent) vakafawo nedenda reCovid 19 vabaiwa nhomba yepiri kana kuti second dose.

Nyanzvi munyaya dzdezvehutano dzinoti gwaro iri riri kuburitsa pachena zvavagara vachikurudzira vanhu kuti vaende kunobayiwa nhomba.

Imwe nyanzvi munyaya dzezve yehutano avo vari kuita ongororo yenhomba dzeCovid19, Muzvare Miriam Chemhanza vanoti ichokwadi kuti vanhu vakabayiwa nhomba vane mukana wakakura wekurarama kunyangwe vakabatwa nechirwere cheCovid-19.

Mashoko aya atsinhirwawo nemumwe chiremba agara achikurudzira vanhu kuti vabayiwe nhomba, Dr Tinashe Gede vanoti mhando yechirwere ichi iri kupararira zvakanyanya munyika yeDelta variant inotoda kuti munhu abayiwe nhomba nekuti iri kutora mazuva mashoma chaiwo kuuraya vanhu.

Mumwe chiremba Dr Josphat Chiripanyanga vatiwo havasi kushamisika kuti mhando yeCovid-19 inonzi Delta varriant yakauya nehukasha vachiti izvi ndizvo zvinoitwa nehutachiona wevirus kana bacteria.

Vatiwo kuchinja kunoita denda iri nguva nenguva kunopa kuti rinetse kurapa.

Mukuru mubazi rinoona nezvekupararira kwezvirwere kana kuti Department of Chemical Pathology paUniversity of Zimbabwe School of Medicine, Muzvinafundo Hilda Matarira vakurudzira vanhu kuti vaenderere mberi nekupfeka mamask nezvimwe zviri kukurudzirwa.

Mhando yeDelta variant iri kupararira zvakanyanyisa muZimbabwe yakatangira kuIndia uko yakaurayawo vanhu vakawanda.

KuIsrael zvinonzi nhomba yePfizer iri kushanda nezvikamu makumi matatu nemapfumbamwe kubva muzana kana kuti 39% kudzivirira kubatira chirwerezvikuru pakatariswa Delta variaent.

Asi ongororo yekuIsrael iyi inoti vanhu vakabayiwa nhomba pavanenge vabatwa nechirwere ichi makumi masere nevasere kubva muzana kana kuti 88% va havasi kuzorwara zvakaipisisa zvekuda kuzoendeswa kuchipatara. Izvi zviri mumashoko atumirwa nhepfenyuro yeCNBC nehurumende yenyika iyi.

Nyaya Ina Ropafadzo Mapimhidze
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG