Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Vanoti Vanhu Vangwarire Kurwara nePfungwa Munguva Ino yeCoronavirus


Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira veruzhinji kuti vasafunga zvakanyanya panguva iyo pasi rese riri kurwisana nechirwere cheCOVID-19 icho chamanikidza nyika zhinji pasi rino kuti dzimanikidze vanhu kugara mudzimba. Izvi zviri kuitirwa kuyedza kumisa kupararira kwechirwere ichi.

Amai Michelle Chirima avo vairarama nekunotenga zvinhu kuSouth Africa vachizotengesa muno vanoti mari yese yavanga vakaunganidza yave kupera vachitengera mhuri yavo zvekudya zuva nezuva.

Vanoti izvi zvave kuvapa kufunga zvakanyanya nezveramangwana ravo kana chirwere checoronavirus chapera. Amai Chirima vanoti kutangazve bhizimisi ravo kuchanetsa.

Mumwe mushandi pane imwe kambani muHarare, VaTalent Bhachi vanoti kunyangwe hazvo zvakakosha kuti vanhu vazvichengetedze kubva kuchirwere ichi nekugara mumba, vanoti vanonetsekana zvikuru kuti kambani yavo ichavapa muhoro here panguva ino yavasiri kushanda.

VaBhachi vanotiwo vanogarofunga kuti vachazokwanisa here kudzokera kubasa mushure mechirwere ichi.

Vamwe amai vangoda kuzivikanwa nezita rekuti Amai Sibanda vaudzawo Studio 7 kuti kusaziva zvichaitika mune ramangwana kwave kuvatambudza mupfungwa.

Amai Sibanda vanoti kunyangwe hazvo kuvharwa kwenyika mukudzivirira kupararira kwechirwere cheCOVID-19 kwakanaka, vari kushushikana mupfungwa nenyaya yekuti vachakwanisa here kubhadhara mari yemutero pavanogara uye kuramba vachiwanira mhuri yavo zvekudya.

Asi nyanzvi munezvehutano dzinoti kufunga kwakadayi kunogona kupedzisira kwaunza zvirwere zvepfungwa.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano hwepfungwa, VaIgnicious Murambidzi vanovazve mukuru wesangano reZimbabwe National Association for Mental Health vanoti hutano hwepfungwa hunogona kukanganisika panguva dzakadai nekuda kwekutya pamwe nekufungisisa.

VaMurambidzi vanoyambira vanhu kuti varambe vakagadzikana hana dzavo munguva ino kudzivirira zvirwere zvepfungwa.

Izvi zvatsigirwa naDoctor Henry Madzorera vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa.

VaMadzorera vati zvakakosha kuti vanhu vazive kuti kunyangwe vakatarisana nedambudziko guru, zvichapfuura. Vakurudzira vanhu kuti vagare vagamuchira kuti kuvharirwa mudzimba uku kunogona kuenderera mberi kwemwedzi inechitsama.

VaMadzorera vayambirawo vanhu kuti vasapedza nguva yakawanda vachiona kana kuteerera nhau dzezvekufa kurikuita vanhu nechirwere ichi. Vatiwo vanhu ngavaregerewo kutevera zvinoiswa pamadandemutande zvizhinji zvacho zvinotyisa uye zviri zvemanyepo.

Vakurudzirawo vanhu kuti varare kwenguva yakakwana pamwe nekudya zvinovaka muviri.

Mumwe mushandi mubazi rezveutano, VaPaul Chinakidzwa vakaudza vatori venhau pane mumwe musangano wakaitwa padandemudande reinternet kuti apo nyika iri mushishi kurwisa COVID-19, bazi ravo riri kushanda nemasangano akasiyana-siyana ane hunyanzvi munyaya dzechirwere chepfungwa kuti vabatsire veruzhinji.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG