Munyori mukuru musangano ravanachiremba vakuru reZimbabwe Senior Hospital Doctors Association, Doctor Aaron Musara, vanoti vachange vachiratidzira muHarare nekusafara kwavo nemamiriro akaita zvinhu muzvipatara zvehurumende.
Vanachiremba ava vari kutarisirwa kuenda netsamba yenyunyuto kudare reparamende.
Kuratidzira uku kuri kuuya apo gurukota rezvehutano, Doctor Obadiah Moyo, vakaudza Studio7 nezuro kuti hurumende haisi kuzotaurirana navanachiremba vari kuramwa kana kuti vakadzingwa mabasa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mushure mehurukuro nemusi weChina nevakuru vekereke yeRoman Catholic vakati vanachiremba vakadzingwa vaikwanisa kudzokera kumabasa mukati memazuva maviri pasina kutorerwa matanho.
Asi izvi zvinenge zvakona n'anga murapwa achida sezvo Doctor Moyo vanoti vashoma ndivo vakatambira kurudziro uyi.
Vanachiremba vanoti vari kuda kuti hurumende itange yaratidza kuzvipira kugadzirisa zvinhu zvaita manyama amire nerongo muzvipatara zvinosanganisira kushaikwa kwemishonga uye michina yekushandisa.
Dr Muasara vaudza Studio7 kuti vanachiremba vanoda chose kushanda asi zvinhu zviri kuvarwadza kuti vamwe varwere vave kungofa nekuda kwekuti havana zvikwanisiro.
Facebook Forum