Accessibility links

Breaking News

Madhokotera neVakoti Vakawanda Vobatwa neChirwere cheCovid-19


Vashandi vakawanda mubazi rezvehutano kusanganisira vakoti navanachiremba mudunhu reMashonaland West vanonzi vabatwa nechirwere cheCovid-19 izvo zvoita kuti varwere vatadze kurapwa nenguva vamwe vachitorasikirwa nehupenyu.

Kushomeka kwavakoti navana chiremba muzvipatara kwakabuda pachena apo mumwe murwere, VaBrian Jena, vanga varumwa nenyoka kuMuriel Mine vakafira pachipatara chemuBanket vakamirira kubayiwa jekiseni rekurapa huturu hwenyoka.

Jekiseni rinobayiwa munhu anenge arumwa nenyoka kana kuti Anti-vernom rinongobayiwa chete kuchipatara nanachiremba.

Hama yaVaJena, VaKennedy Piti vanoti vakakurumidza kuenda nemurwere wekurumwa nenyoka kuchipatara sezvinokurudzirwa asi panga pasina chiremba aifanirwa kumubaya jekiseni ravainge vapihwa kukiriniki yepamugodhi weMuriel Mine.

VaPiti vanoti chiremba akatozouya mushure memaawa matanhatu murwere atopofomara asati azofa maminetsi mashoma akatevera nekuda kwehuturu hwenyoka hwainge hwapararira nemuviri. Vanoti havazisi kuti vanachiremba vari kuramwa mabasa here kana kuti kwete.

Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu diki reZvimba, Dr Terrence Dandanzi, vanoti vanachiremba havasi pakuramwa mabasa asi vashoma zvikuru sezvo vakawanda vavo vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nokudaro havasi kuenda kubasa.

Izvi zvinotsigirwa nemukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West, Dr Gift Masoja, avo vanoti vashandi vavo vakawanda vakabatwa neCovid-19 muzvipatara nemakiriniki.

Dr Masoja vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara vachiti chipatara chemuChinhoyi chine vanachiremba vanodarika vashanu vakabatwa Covid-19 zvekuti vakatombofunga kubatanidza mawadhi sezvo vakotiwo vakawanda vakabatwa ne Covid-19.

VaMasoja vanoti havana havo huwandu hwese hwevashandi vasiri kuenda kubasa nekuti vanoita basa rekuongorora vanenge varwara vari kumahofisi vakawanda vavo vari kurawarawo neCovi-19

Dr Masoja vanoti vanachiremba vashoma vari pabasa vakawandirwa nebasa sezvo kuine njodzi dzakawanda dziri kuitika nguva ino yezororo rekisimusi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG