Accessibility links

Breaking News

Vamwe veMabhazi Voramba Kushanda neZUPCO neKusabhadharwa


Zupco
Zupco

Chirongwa chehurumende chekubatana nevemabhazi anotakura veruzhinji vachishanda nekambani yehurumende yemabhazi yeZimbabwe United Passenger Company, ZUPCO, chinonzi chinenge chingangowondomoka zvichitevera kubuda kunonzi kwave kuita vamwe vemabhazi muhurongwa uhwu.

Mumwe ane mabhazi ake ari kushanda neZUPCO asina kuda kudomwa nezita audza Studio 7 kuti iye nevamwe vave kubuda vachisiya mabhazi mashoma sezvo hurumende isiri kuzadzisa chivimbiso chayo chekuti inovabhadhara paine nguva.

Muzvinamabhazi uyu anoti nekuda kwekuti havasi kubhadhara nehurumende mari dzavo panguva yavanenge vakadzitarisira, vave kutadza kugadzirisa mabhazi avo anenge afa achiita basa reZUPCO.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuZUPCO kanawo kubazi rezvekutakurwa kwezvinhu kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Asi mutungamiri wesangano revanofamba nedzimotokari dzeveruzhinji, rePassenger Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Goliati vanoti veruzhinji vave kushupika zvakare sezvo vave kumanikidzwa kudzokera kumakombi ayo anovadhurira zvichienzaniswa neZUPCO.

Hurukuro naVaTafadzwa Goliati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG