Accessibility links

Breaking News

Vamwe VekuShurugwi Votya Kutapurirwa Coronavirus paZvibhorani


Boreholes and Water Situation Zimbabwe No Water

Apo nyika yakatarisana nedambudziko remvura kunzvimbo dzakawanda nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura, vagari vekumaruwa eshurugwi vanoti kuuya kwechirwere cheCoronavirus munyika kwowedzera matambudziko avo sezvo votya kubatirira hutachiona uhwu pazvibhorani zvavanoshandisa vakawanda.

Ongororo yakaitwa neStudio 7 inoratidza kuti matsime mazhinji munzvimbo iyi akapwa mvura izvo zvoita kuti mhuri zhinji dziraramire pazvibhorani zvishoma zviri mudunhu iri.

Asi vagari vakawanda venzvimbo iyi vanoti izvi zvave kuisa hutano hwavo panjodzi sezvo hutachiona hwecoronavirus uhwu huchigona kutapukira kuvanhu kuburikidza nekushandisa zvibhorani izvi zvavanenge vachibata vakawanda.

Muzvare Patricia Zhou vanogara muWard 11 kuShurugwai South vaudza Studio 7 kuti kunyangwe hazvo vari kuedza nepavanogona napo kuzvidzivirira kuchirwere cheCOVID-19 kuburikidza nekugara pamba pavo vati vanotyira kuti vanogona kubatirira hutachiona hwechirwere ichi pavanoenda kuchibhorani.

Izvi zvatsigirwawo naMuzvare Tatenda Mavedzenge avo vati vanhu vese vemubhuku ravo vanochera mvura pachibhorani chimwechete sezvo zvimwe zvese zvakapwa. Muzvare Mavedzenge vanoti vangafare vakawana dzidziso yekuti zvii zvavangaite kuzvichengetedza

Mumwe mugari wemudunhu iri VaFarai Gara vatiwo zvingavanakire vakawaniswa mishonga yekuchenesa maoko kuti vanhu vashandise vasati vabata zvibhorani iyo vati haiko kuzvitoro zvemudunhu ravo.

Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa vari nhengo yeMDC Dr Henry Madzorera vati kurudziro yavo ndeyekuti vagari vekumaruwa ava vagare vachisuka mubato wechibhorani nemaoko nesipo kana mishonga inouraya hutachiona kune vanokwanisa kuiona

Asi mumwewo mugari wenzvimbo iyi, Amai Amber Mhuri vati nekuda kwekuoma kwezvinhu munyika, kuwanikwa kwemishonga inouraya hutachiona iyi kunogona kunetsa.

VaMadzorera vapawo yambiro kuvanhu vekumaruwa ava kuti kana pane anenge achifungidzira kuti angangodaro akabatira hutachiona asaenda zvachose kunzvimbo dzinocherwa mvura sezvo zvichigona kuisa hutano hwevazhinji panjodzi.

Vakurudzirawo kuti vari kumaruwa vapanane majana ekunochera mvura kuitira kudzivirira kuungana pazvibhorani izvi.

Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri vaudza Studio 7 kuti titaure ne mukuru wezvehutano mudunhu reMidlands, Dr Simon Nyadundu nezvematanho avari kutora mudunhu ravo kuona kuti vanhu vachengetedzeka pazvibhorani.

Asi Dr Nyadundu vanga vasingadairi nharembozha yavo kusvika taenda pamhepo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG