Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vashandi veMuzvipatara Vozengurira Kubayiwa Nhomba yeCovid-189 neKuda kweKushaya Ruzivo Rwakakwana


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vachibayiwa nhomba yeCovid-19

Huwandu hwevashandi vemuzvipatara kusanganisira vakoti navanachiremba vari kubayiwa nhomba yeSinopharm yakapihwa Zimbabwe neChina huchiri hushoma zvakanyanya.

Kusvika nemusi weMugovera kwange kwabayiwa nhomba vanoshanda muzvipatara zviuru gumi nezvishanu zvine mazana manomwe nevashanu kana kuti 15, 706.

Mukuru mubazi rezvehutano anoona nezvekurwisa chirwere cheCovid-19 Dr Agness Mahomva vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti vamwe vave kutya kubaiwa nhomba nekuda kwemashoko enhema ari kutenderera pamadandemutande akasiyana siyana achikurudzira vanhu kuti vasatambire nhomba iyi.

Asi mutungamiri wesangano revakoti reZimbabwe Nurses Association VaEnoch Dongo vanoti hapana dzidziso yakakwana nezvenhomba iyi kubva kuhurumende zvopa kuti vamwe vazengurire kubayiwa nhomba.

Hurukuro naVaEnoch Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG