Accessibility links

Breaking News

Vamwe Varairidzi Vorwara nePfungwa neKusamira Zvakanaka kweZvinhu muNyika


Kusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi kwemakore akawanda uko kwowedzerwawo nenyaya yechirwere cheCovid-19 kwave kusiya vanhu vakawanda munyika kusanganisirawo varairidzi vorwa nechirwere chepfungwa.

Vanoona nezvehutano musangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe Amai Nyaradzo Munjodzi vanoti vadzidzisi vanodarika makumi mashanu vave nehutano hwepfungwa husina kumira zvakanaka zvichifungidzirwa kuti zviri kukonzerwa nekusamira kwakanaka kwezvinhu muyaya dzezvehupfumi.

Amai Munjodzi vanoti vane nyaya dzakawanda dzavari kusangana nadzo mubasa ravo.Mukuru wesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure vanoti chiremerera chaiva nevadzidzisi kare chakapera zvopa kuti vakawanda vasagadzikane mupfungwa.

VaMasaraure vanoti bazi rezvedzidzo rinonyanya kutarisa zvekodzero dzevana vechikoro kwete magariro evarairidzi. Mufundisi weWisdom Church of all Nations VaMazvarirashe Mabugu vanoti vakambosanganawo nedambudziko rokufungisisa, vatambudzika nezvehupenyu hwavo asi vanoti vakawana rubatsiro zvokuti ivowo vave kubatsirawo vane matambudziko seakatarisana nevamwe varairidzi aya.

Asi mutevedzeri wemukuru anoona nezvehutano hwepfungwa mubazi rezvehutano, Dr Sacrifice Chirisa vanoti hakuperi zuva vasina kunzwa nezvevanhu vaviri kana vatatu vanenge vave kuda kuzviuraya nemaomero ezvinhu.

Vanoti izvi hazvisi kuitika kuvanhu vatema chete asi marudzi ose. Vanotiwo dzimwe nguva kana vanowana vanogona kuitawo matambudziko epfungwa. Dr Chirisa vanoti bazi rezvehutano rakaparura chirongwa chokufamba muvanhu richitaura nezvehutano hwepfungwa asi chirongwa ichi chakambomiswa nemitemo inobata Covid-19.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano hwepfungwa, vachishanda nesangano reZimbabwe National Association for Mental Health kana kuti ZimNamh, Dr Ignicious Murambidzi vanoti denda repfungwa ratove dambudziko guru munyika nokudaro panofanirwa kutsvagwa dzimwe nzira dzokuti vanhu vane dambudziko iri vakurumidze kuwana rubatsiro vasati vasvika pakuzotora hupenyu hwavo.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyati vanoti havasati vavekuziva kuti vanhu vangani vakazviuraya gore rino asi ZRP yakazivisa kuti mumakore a2000 kusvika 2019, varume zviuru zviviri vakazviuraya zvichienznaniswa nemadzimai mazana mashanu nevashanu.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti vanhu vanodarika mamiriyoni matatu pasi rose vanorwara nechirwere chekufungisisa kana kuti depression, uye vanhu vanodarika miriyoni imwe chete, vanozviuraya nekuda kwechirwere chepfungwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG