Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti Vave Kufa neNzara Vari Mudzimba


Mapurisa nemauto anopomerwa mhosva yekurova vanobuda panze vasina matsamba
Mapurisa nemauto anopomerwa mhosva yekurova vanobuda panze vasina matsamba

Vanhu mudunhu reMashonaland West vane maonero akasiyana zvikuru padanho rehurumende rekuti vagare mudzimba kwemamwe mavhiki maviri senzira yekurwisa kupararira kwechirwere checoronavirus.

Amai Judith Chikwari avo vanorarama nekutenga nekutengesa mbatya vanoti vave kufanenzara mudzimba sezvo vasiri kutengesa kuti vawane zvekudya.

Amai Chikwari vanoti VaMnangagwa vangadai varerutsa nguva dzekuvhura kuti vatenge zvinogona kupa kuti vatenge zvekudya.

Izvi zvatsigirwa naVaTavengwa Kamuchokoto vekuKadoma avo vasingaone vanorarama nekupemha vanoti rwendo rwuno Mwari avaseke sezvo vari kutadza kuwana ruyamuro kunyange kubva kubazi reSocial Welfare.

Asi gurukota rinona nezvemagariro evanhu Muzvinafundo Paul Mavima vanoti hurumende iri kupa vanhu mazana maviri emadhora pamwedzi kuti vabatsirikane mari inonzi nevamwe ishoma zvikuru.

Hurukuro naMuzvinafundo Paul Mavima
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Sachigaro weboka revadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe-PTUZ- mudunhu reMashonaland West VaWeston Mutapa vanoti vatambira kuwedzerwa kwemazuva nemufaro sezvo hupenyu hwevadzidzisi nevadzidzi hwanga huri parumananzombe dai vadzokera kuzvikoro
parizvino.


VaMutapa vanoti hurumende inofanirwa kutora nguva yavawedzera kuvharwa kwenyika kugadzirira vadzidzisi kuti vawane zvipfeko nemishonga yekuderedza hutachiona hwecoronavirus kana vave kudzokera kumabasa.

Munyori mukuru muboka guru rinomirira vashandi munyika reZimbabwe Congress of Trade Union-ZCTU- VaJaphet Moyo vanoti vafarawo dedanho ratorwa naVaMnangagwa sezvo hupenyu hwevanhu hwakakosha kudarika hupfumi vachiti kana munhu afa hapasisina zvekuita.

Asi VaMoyo vanoti havasi kufara nemari inoita madhora mazana maviri ari kupihwa pamunhu kuti vanhu abastirikane nebazi rezvemagariro evanhu panguva iyo nyika inenge yakavharwa vachiti ishoma zvikuru.

Mumiriri weNorton muparamende VaTemba Mliswa vanoti pamusoro pekuwedzera mazuva ekuvhara nyika mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanofanirwa kuona kuti motokari dzose dzinotakura zvinhu kunze kwenyika dzichipfuura nemuno munyika dzimbomira.

Vatiwo vashandi vakaita sanamukoti nemapurisa vanoshanda vachisangana nevanhu vangangodaro vaine chirwere cheCoronavirus havafanirwe kushanda vachibva kumba asi kuti vatsvagirwe nzvimbo dzekugara.

VaMnangagwa vakawedzera mazuva nyika yakavharwa kusvika musi wa3 Chivabvu nekuda kwekuti nyika haisati yazadzisa zvinokurudzirwa nebazi rezvehutano muUnited Nations reWorld Health Organisations kana kuti WHO-kuti nyika ivhurwe vachiti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira munyika.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG