Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vane Chirwere Chekushanduka Ganda Vosarurwa


VaJoshua Mutapanyama
VaJoshua Mutapanyama

Mumwe murume ane dambudziko rechirwere chekushanduka kweganda remuviri, VaJoshua Mutapanyama, vanoti vari kuomerwa nehupenyu sezvo vanhu vakawanda vachivasema, izvo zviri kuita kuti vatadze kuwana basa rekuti vawane mari yekuriritira mhuri yavo.

VaMutapanyama vanoti vakatanga kusvuuka ganda ravo makore mashanu apfuura, uye vavakidzani vavo vanovasema, ukuwo vana vadiki vachitiza kana vakasangana navo munzira.

Joshua Mutapanyama
Joshua Mutapanyama

Vatiwo muviri wavo unoswinya swinya nguva zhinji zvokuti havakwanise kuita basa kwenguva yakarebesa sezvo dunhu reMt Hampden iri nzvimbo ine huruva inobva munhauranda dzinokanywa zvidhinha.

VaMutapanyama vanoti dambudziko iri rakatangisa mushure mokunge vaisirwa muchetura muchikafu chavo zvokuti mazino avo ave kuzungunuka izvo zvinovatadzisa kudya zvakanaka.

Asi imwe nyanzvi yezvirwere zveganda Dr Donald Mutangadura, vanoti VaMutapanyama munhu ane chirwere chinokonzerwa nekushanduka kweganda, kwete kuti vakaisirwa muchetura muchikafu.

Dr Donald Mutangadura vanoti kunyange hazvo VaMupatanyama vachiratidza kunge munhu anorarama nehusope, chirwere chavainacho chinonzi Vitiligo chirwere chinobata munhu anenge aine ganda rake rakanaka.

Dr Mutangadura vanoti munhu anenge aita chirwere cheVitiligo, anofanira kukurumidza kuenda kunoonekwa nenyanzvi dzezvirwere zveganda kuitira kuti abatsirwe chirwere ichi chisati chakomba.

Vanotiwo vanoona vanhu vanodarika vashanu pasvondo. Dr Mutangadura vaenderera mberi vachitiwo chirwere cheVitiligo, icho chinobata mazera ese uye mumarudzi ese epasi rino, hachiuraye.

Mukuru wesangano reAlive Albinism Initiative, Muzvare Gwen Mushonga, vanoti kusarurwa kuri kuitwa vanhu vane Vitiligo kwakafanana nezvinoitwa vanorarama nehusope nokuti nyaya yavo iri paganda rakasiyana nevamwe vese.

Muzvare Mushonga, avo vanorarama nehusope, vanoti zvinonyanya kurwadza ndezvokuti munhu anenge akazvarwa neganda rake asi ganda riya rinozoshanduka atokura zvinova zvinhu zvinorwadza vakawanda.

Dr Mutangadura vanoti kana chirwere ichi chakomba, hakuna mushonga unokwanisa kurapa Vitiligo. Vanoti vose vane dambudziko rakadai havafanirwe kugara muzuva sezvinongoitawo vanorarama nehusope.

Dr Mutangadura vanoti chirwere cheVitiligo chinotanga nevanga diki diki asi chozoparara nemuviri wese.

Chirwere cheVitiligo, ndicho chakabatawo muimbi wemusambo wePop, muchakabvu Michael Jackson.

Mumwe anechirwere ichi ndiLeleti Khumalo uyo akaita mukurumbira mufirimu rinonzi Sarafina, izvo zvinoratidza kuti Vitiligo haitadzise munhu kuita mabasa ake kana angozvitambira kuti ndizvo zvaave pamwe nekushandisa mishonga inenge yataurwa navana mazvikokota muzvirwere zveganda.

Sangano reWorld Health Organization rinoti chirwere cheVitiligo chinobata nhengo dzemuviri wese kubva kumuromo, vhudzi nemaziso uye kusanduka kweganda kunonyanya kuonekwa muvanhu vatema.

Kunyange hazvo huwandu hwevanhu vane chirwere ichi muZimbabwe husingazivikanwe, sangano reWHO rinoti vanhu vanosvika zvikamu zviviri kubva muzana pasi rose, vane chirwere cheVitiligo.

Vamwe Vane Chirwere Chekushanduka Ganda Vosarurwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG