Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vana Vane Chirwere cheMoyo Vanombonorapwa kuItaly Vofira muNyika neKutadziswa Kufamba neCovid-19


Apo pasi rose riri kutarisana nekurwisa chirwere charura cheCovid-19, zvimwe zvirwere zvakaita sezvemoyo zvikuru muvana vadiki zvasara zvisina ari kunyatsozvirapa izvo zvoisa vana vakawanda munyika munjodzi huru vamwe vachifa.

Vabereki vevana vane chirwere ichi vanonziwo vanogona kutangawo kurwara nepfungwa sezvo basa rekuvariritira rakaoma.

Chimwe chirongwa chakanganiswa nedenda iri ndechekuenda kwevana vemuZimbabwe kuItaly kunorapwa chirwere chemaburi pamoyo kana kuti Congenital Heart Disease-CHD.

Vanachiremba vekuItaly vanoenda kuchipatara cheRoman Catholic cheAll Soul’s Mission kwaMutoko uko vanosarudza vana vanenge vari munjodzi huru vovaendesa kuItaly.

Vanachiremba ava vanoshandawo nemamwe masangano akaita sereBrave Little Hearts. Sangano reBrave Little Hearts rakaumbwa naAmai Tendai Moyo wekuBulawayo avo vakashaikirwa nemwana wavo Rudorwashe aiva nechirwere cheCHD ichi. Sangano iri rinounza pamwe chete vabereki vane vana vane denda iri kuti vapangane mazano.

Mumwe mubereki ane mwana akashaya ave nemakore maviri nekukundikana kunorapwa kuItaly gore rapera nekuda kwechirwere cheCovid-19 ndi Amai Angelina Manda vaudza Studio 7 nezvekurwadziwa kwavari kuita nekurasikirwa nemwana.

Vachitaura nezvematambudziko evabereki vari kurwarirwa, Amai Tendai Chatikobo, vanotungamirira sangano reBrave Little Hearts muHarare vati zvinhu zvakaoma kuchengeta mwana ane chirwere chemoyo ichi.

Amai Chatikobo, avo vanemwana anemakore matatu ane denda remwoyo iro risingakwanisike kugadzirika, vati maoparesheni aya aisimboitwa kuzvipatara zvehurumende zviri munyika kare asi ikozvino hakuchina vanachiremba vakawanda vanokwanisa kuvarapa. Vashoma varipo vanodhurawo zvakanyanya.

Vatiwo Covid-19 yakavhiringidza hurongwa hwavo uye kuda kuzviita munyika kunodhura.

Studio 7 yataurawo nemumwe mubereki VaTatenda Katayi vanoti havo vakaita rombo rakanaka sezvo mwana wavo akakwanisa kuenda kuItaly muna 2019 Covid isati yatanga.

Vati vari kufarawo kuti mwana wavo ave kukwanisa kuenda kuchikoro nevamwe.

Asi vamwe vabereki vanonzi vanonoka kuendesa vana kunorapwa nekushaya ruzivo vachifunga kuti vange varoyiwa.

Amai Moyo vanova vakavamba sangano reBrave Little Hearts vati kune mhando makumi mana ematenda emoyo asi denda remaburi epamoyo rakawanda munyika uyezve rinokwanisa kurapika rikakurumidzirwa.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Josephat Chiripanyanga vaudza Studio 7 kuti vana vese vanozvarwa vaine maburi aya asi anovhara pavanenge vasungunukwa, asi vakati pane dzimwe nguva anotadza kuvhara. Vanoti vana ava vanozokura vave nedambudziko rokuzarirwa nekuneta uye vasingakure vaine huremu hunoendera nemakore avo.

Mukuru weAll Souls Mission Hospital Dr Massimo Migani vati ichokwadi kuti chirongwa chokuendesa vana kuItaly kuti vanoitwa maoparesheni chakambomiswa asi vanotarisira kuti chinogona kusimudzirwa kupera kwegore rino kana kutanga kwegore rinouya.

Kubva muna 1985 vana vanodarika mazana mana vaenda kunorapwa kuItaly.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG