Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vakatora Mapurazi Vodzingwa neHurumende


Hurumende iri kudzinga vanhu vanodarika zviuru makumi matanhatu vakaazvigarisa patsva mumapurazi pakati pa2005 kusvika parizvino ichiti vanofanira kudzokera kwavakabva sezvo vasina magwaro anovapa mvumo yekugara mumapurazi aya kana kuti maOffice Letters.

Vachipa humbowo pamusoro pekudzingwa kuri kuitwa vanhu mumapurazi nehurumende pari zvino , munyori mukuru mubazi rezvekurima, VaRingson Chitsiko, vati pane vakawanda vari kugara munzvimbo dzisingakodzeri dzakaita semafuro uyewo zvave kukanganisa varimi vakagariswa patsva kuita basa ravo.

Vati vanhu ivavo ndivo vari kubviswa nehurumende kuti vaende kwavakabva kuti vagogariswa patsva pachitevedzwa gwara nemutemo wehurumende.

Asi vati hurumende ichagadzirisa magwaro avese vakapinda mumapurazi panguva yakatanga kutorerwa vachena mapurazi muna 2000 kusvika muna2004.

Magwaro aturwa naVaChitsiko kukomiti iyi nhasi anoratidza kuti kusvika pari zvino pane vanhu churu nemazana mana nemakumi mapfumbamwe nemashanu kana kuti 1 495 vakatodzingwa mumapurazi, vamwe zana negumi nemashanu kubva kuMashonaland Central, vatanhatu kubva kuMashonaland East nechuru nemazana matatu nemakumi manomwe nemumwe kubva KuMidlands.

Pane vamwe zviuru makumi matatu nemazana matanhatu nemakumi manomwe vakapihwa matsamba ekuti vabude mumapurazi avagere kuMashonaland Central, zviuru zvitatu nemazana masere negumi nevapfumbamwe kuMashonaland East, zviuru mazana masere nemazana matatu nemakumi masere nemanomwe kuMidlands, zviuru zviviri nemazana matatu nemakumi masere kuManicaland nechiuru chimwe nemazana mapfumbamwe nemasere kubva Matabeleland South.

VaChitsiko vati vanhu vese vakapihwa magwaro aya vari pamapurazi mazana matatu nemakumi manomwe nematanhatu mumatunhu ese enyika.

Vati pakubvisa vanhu mumapurazi, vari kushandisa mutemo weGazetted Lands (Consequential Provisions) Act Chapter 20:28 uyo unosungira kuti munhu kuti atange apihwa gwaro kana Offer Letter asati avaka musha.

VaChitsiko vati hurumende yakapa vese vagere mumapurazi zviri kunze kwemutemo chiziviso chekuti vabude muna Nyamavhvhu muna 2016 asi vamwe vakaramba kubuda.

Vatiwo chiziviso ichi chakapihwa zvekare muna 2017 asi vamwe vakashandisa zvematongerwo enyika vakaramba kubuda.

VaChitsiko vati hurumende yaVaMnangagwa irikupa zvakare vanhu ava mukana wekuti vabude mumapurazi uye vari kupihwa mukana wekuti vakohwe zvirimwa zvavo vasati vaenda.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaTrust VaMaanda vaudza Studio 7 kuti vanhu havagoni kungobviswa panzvimbo dzavagere nekuda kwetsamba yabva kuhurumende chete.

VaMaanda vati vese varikuda kudzingwa vanokwanisa kuenda kumatare kuti varambe vagere pavari dzamara hurumende yavapa pamwe pekugara.

Asi VaChitsiko vanoti vanhu ava vanofanira kutanga vabva kuti hurumende igovagarisa patsva kunzvimbo dzinokodzera

Vati mune mamwe mapurazi eA1 mawandisa vanhu izvo zvave kukanganisa mabasa ekurima, kuparadza masango nekukanganisa nharaunda.

Pavabvunzwo nezvenyaya yekuti pane vanhu vane mapurazi akawanda VaChitsiko vati hurumende iri kuita ongororo nenyaya yekugadzirisa nyaya iyi.

VaBramwell Seremwe vanomirira Mt Darwin West vabunzawo kuti sei mwana werimwe gurukota rehurumende akapihwa munda pari zvino pachibviswa murimi wechichena uyo anounza mari yekunze munyika nekutengesa zvirimwa asi VaChitsiko vati nyaya dzakadai dzinonyanyozikanwa nevematunhu kana kuti Provincial Lands Committee nekuti ndovanopa vanhu minda.

Sachigaro vekomiti iyi, VaJustice Wadyajena, vabvumirana naVaChitsiko vachiti komiti yavo ichanzwawo kubva kumaProvincial Lands Committee, yozoenderera mberi kunzwa humbowo kubva kunaVaChitsiko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG