Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vakarwa Hondo Vanoti VaMnangagwa Vakangofanana naVaMugabe Pakusavapa Rubatsiro


Zimbabwe New President
Zimbabwe New President

Vamwe varwi vehondo yerusununguko vanoti hapana shanduko yakanyanya iripo pamabatirwo avari kuitwa nehurumende zvichienzaniswa nenguva yevaimbove mutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe.

Mumwe murwi wehondo yerusununguko VaRichmond Mangena-Ndlovu vanoti hapana chakashanduka vachiti mari iri kuwedzerwa ishoma zvikuru zvichienzaniswa nekukwira kuri kuita mitengo yezvinhu.

VaNdovu avo vairwa vari divi reZimbabwe Peolple’s Revolutionary Army-ZIPRA- vanoti kunyange bhiri rinobata varwi verusununguko rakapasiswa muparamende rikaitwa mutemo mwedzi mishoma yapfuura, hurumende inogara ichitadza kuzadzikisa zvinenge zvakabvumiranwa.

Izvi zvinotsigirwa nesachigaro wevaimbove varwi verusununguko mudunhu reMashonaland West, VaCornlius Muoni avo vakaudza vanhu pakuvigwa kwerimwe gamba kumarinda emuChinhoyi kuti vakawanda vavo vapera kufa zvekuti vashoma ndivo vachazowana zvavakanzi vapihwe nemutemo.

Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika pamwe nemagariro evaimbove varwi verusununguko Amai Oppah Muchinguri-Kashiri vanoti hupenyu hwevaimbove varwi verusununguko huchashanduka nekuda kwemutemo wakapasiswa weWar Veterans Act.

Amai Muchinguri-Kashiri vanoti nekuda kwemutemo wakapasiswa patove nebhodhi richafambisa nyaya dzavo dzinosanganisira kuvakwa kwechipatara chavo pamwe nekuvhurwa kwemakambani akawanda vachiyamurwa nehurumende uye kuti vasina kuwana minda vapihwe.

Mwedzi wapera mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mukuyedza kuzadzikisa zviri mumutemo uyu vakaparura zviri pamutemo kambani yekubatsira magamba ehondo chinonzi “War Veterans Investment Corporation” icho chiri pasi pebhodhi revakarwa hondo ava. Kambani iyi inenge iri mumapazi masere anosanganisira nyaya dzekurima, zvicherwa, hutano, kushanyirwa kwenyika, kuvaka nezvimwe.

Studio7 haina kukwanisa kuwana huwandu hwevaimbove varwi verusununguko vachiri vapenyu sezvo munyori weboka rinomirira vaimbove varwi verusununguko reZimbabwe National War Veterans’ Association, VaDouglas Mahiya, vanga vasingadavire mbozhanhare yavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG