Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari vekuMasvingo Voramba Kutambira Bhiri reKusora


Vamwe vagari vemuMasvingo nemusi weMvhuro vakaramba kutambira bhiri rekusora kana kuti Cyber Security and Data Protection, vachiti hurumende inogona kushandisa mutemo uyu kumbunyikidza vanopikisa pamwe nevatori venhau munyika uye kutyora kodzero dzavo dzekutaura vakasunungukua pamasai sai.

Vachitaura pamusangano waitwa paMucheke Hall, vamwe vagari vemuMasvingo, vati zvimwe zvikamu zvebhiri iri zvinogona kushandiswa kushungurdzwa vanhu vane pfungwa dzinopikisana nevanotonga izvo zvinoita kuti vanhu vasakwanise kutaura nhuna dzavo munyika pajekerere.

VaJeffrson Chitando, vanoti, bhiri iri richashandiswa kupenengura magwaro ne mashoko akavanzika evanhu uye harina chikamu chinodzivirira avo vanenge vafumura vakuru vakuru panyaya dzehuori.

Vamwewo vati bhiri iri rinogona kuzoshandiswa kusunga vezve matongerwe enyika pamwe nemasangano akazvimirira ayo anoongorora zviri kuitika munyika sezvo rine chikamu chekuti vanofambisa nhema pamasai sai vasungwe.

Sachigaro wesangano revatori venhau reMISA Zimbabwe, VaGolden Maunganidze, vatiwo bhiri iri rinogona kushandiswa kumbunyikidza kodzero dzevatori venhau uye kuti vasaite basa ravo vakasununguka.

Asi vamwe vatsigira bhiri iri vachiti rakanaka chaizvo nekuti vamwe vanhu munyika vari kushandisa madandemutande akaita seWhatsApp neTwitter zvisirizvo vachishoropodza hurumende pamwe nekuzvidza vamwe.

Vamwewo vanotiwo madandemutande ari kushandiswa kufumura zvakavanzika zvevanhu kunyanya nyaya dzerudo nekudaro nhubu dzinofanira kurangwa nekusungwa.

VaGashiya Mundondo, nhengo yeZanu PF, vanoti vanotsigira bhiri iri nekuti vazhinji vari kushandisa madandemutande akaita seWhatsapp, Twitter neFacebook kushoropodza hurumende.

Amai Precious Chinhamo Masango, nhengo yeparamende kuMangura, vange vachitungamirira chikwata cheParamende chebiri iri, vati basa ravo rafamba zvakana sezvo vagari vange vane ruzivo rezviri mubhiri.

Muneimwewo nyaya, mukuru wesangano reMasvingo Centre for Research and Development(MACRAD), VaEpharaim Mtombeni, vapuwa mukana wekubhara mari yechibatiso inosvika chiuru chemadhora ema RTGS, kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Mutongi wedare repamusoro, VaNeville Wamambo, vati VaMtombeni vazvipire kumapurisa kamwe pamwedzi uye vagare pamba pavo.

Gweta raVaMtombeni, VaMartin Mureri, vanoti VaMtombeni vakasungwa svondo rapfuura vachipomerwa mhosva yekutuka mutungamiriri wenyika VaEmerson Mangagwa, vachinzi vakavapomera mhosva yekuti ndivo vari kupa kuti vanhu vatambure munyika. Asi VaMtombeni vari kuramba mhosva iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG