Accessibility links

Breaking News

VaMutambara Voparura Chirongwa cheZIDHIP muWashington DC


VaArthur Mutambara
VaArthur Mutambara
Nyanzvi munyaya dzinosanganisira dzehupfumi, dzehutano, dzezvematongerwo enyika nedzimwe dzakasiyana siyana, dziri kusangana neMugovera pamuzinda we Zimbabwe mu America uri mu Washington DC pamusangano wekupangana mazano pamwe nekuparura chirongwa che Zimbabwe Diaspora Home Interface Program, ZIDHIP.

Chirongwa ichi chiri kuparurwa zviri pamutemo mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara.

Chirongwa cheZIDHIP ndechekupangana mazano pakati pezvizvarwa zveZimbabwe nehurumende, pamwe nemasangano akazvimirira, senzira yekutsvaga nzira dzekuti munhu wese wemuZimbabwe ave nehupenyu hwakanaka.

Zvinofungidzirwa kuti pane zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mamiriyoni matatu zviri kunze kwenyika, uye zvizvarwa zvakawanda izvi zvinosanganisira vana muzvinafundo muzvidzidzo zvakasiyana siyana, avo vanokwanisa kubatsira nyika yavo vachishandisa hunyanzvi hwavanawo.

Sachigaro weDiaspora Network Working Group, uye vachishanda ne World Bank mu Washington DC, Doctor Norbert Mugwagwa, vanoti chirongwa chavo ndechekubatsira nyika sezvo Zimbabwe iine vanhu vakadzidza vakawanda vari kunze kwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG