Accessibility links

Breaking News

VaMugadza Vari Kukwidza Musarudzo dzeMutungamiri weNyika Vanoti Vakatozodzwa Hutiungamiri neDenga


Mugadza

Nyanzvi munyaya dzemutemo zvakare vari mutungamiriri webato, reBethel Christian Party, VaWillard Taonezvi Mugadza, ndemumwe wevanhu vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika. Dr Mugadza vanoti kana vakakunda hurumende yavo ichange iine makurukota gumi nemaviri chete.

VaMugadza, avo vane makore makumi mana nematatu, vanoti havana kupinda mune zvematongerwo enyika asi vakasangana nazvo apo vaitsvaga mwari.

Dr Mugadza vanoti vakatendeuka muna 2000 uye mukunamata ndimo mavakaudzwa nezvekuti vachaitwa mutungamiriri.

Vanoti chiporofita chekuti vachaita mutungamiri chakabuda zvakare muna 2011 uye vakatochiburitsa padandemutande reYouTube.

Dr Mugadza vanoti kunyange hazvo vakazonyoresa bato ravo gore rino, bato ravo ibato rakaumbwa gore rapfuura uye ibato richiri kukura.

Vanoti chikuru chichaita kuti vanhu vavhotere Bethel Christian Party inyaya yekutukana kukuru mumapato makuru ezvematongerwo enyika uye ivo vane donzvo rekubatanidza vanhu munyika.

Vanotiwo kana vakakunda musarudzo vachaumba hurumende inenge ine makurukoata gumi nemaviri uyewo kuchange kuine hurumende dzematuhunu dzinenge dzine makurukota gumi nemaviri zvekare.

Vanotiwo hurumende yavo ichasimudzira vechidiki munyaya dzemabhizimisi nekuvabatsira kutanga makambani pamwe nekupa makambani avo basa muhurumende.

VaMugadza, avo vane mudzimai, Amanda nevana vana, vakomana vatatu nemusikana mumwe chete, vanoti vane hunyanzvi munyaya dzekurwisa huwori uye ndizvo zvinota kuti vakwanise kutungamira Zimbabwe.

VaMugadza vakakurira kuChitungwiza vakaita zvidzidzo zvemutemo kuNamibia neSouth Africa uye vanoti vana veZimbabwe vanofanira kumbovapa mukana kuti vasimudzire nyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG