Accessibility links

Breaking News

VaMugabe, VaTsvangirai naVaMutambara Voenda kuMusangano weWorld Economic Forum


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vari kuTanzania kumusangano weWorld Economic Forum on Africa.

Vatatu ava vari kuperekedzwa negurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, uye vachange vachimiririra Zimbabwe. Gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, VaElton Mangoma, vanoti vachaendawo kuTanzania neChitatu uye vachayedza kunokwezva vekunze kuti vatange mabhizinesi munyika.

Nyaya yemutemo wehurumende wekuda kuendesa hupfumi kuvatema inonzi ichakurukurwa nezvayo.
Musangano wemazuva matatu uyu uchatarisa nyaya yekuti vanhu vangatange sei mabhizimisi muAfrica.

VaKasukuwere vachitaura parunhare kuTanzania vanoti vane chivimbo chekuti vatungamiri venyika dzemuAfrica vachatsigira chirongwa cheZimbabwe chekuendesa hupfumi kuvatema.

Mutungamiri weTanzania, VaJakaya Kikwete, ndivo vari kutarisirwa kuparura musangano uyu neChitatu.

XS
SM
MD
LG