Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoudza United Nations Kuti Zvirango Zvokanganisa Budiriro yeNyika


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakaudza musangano weUnited Nations General Assembly muNew York neChipiri kuti nyaya yekutemerwa kwakaitwa nyika zvirango yakonzera kuti itadze kubudirire munyaya dzezvehupfumi nezvimwe zvinotarisirwa neUN.

VaMugabe vanoti kunyangwe paine zvimhingamupinyi izvi nyika yabudirira kuti ideredze huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheHIV Aids uye kuunza budiriro munyaya yedzidzo.

Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaPhilip Pasirayi vanoti mashoko VaMugabe panyaya yezvirango ndeemugotsi matsuro. Vati VaMugabe ndivo vari kupa kuti nyika iyende kumawere nekutonga nedemo.

Zvichakadaro nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika nehupfumi dzashora zvikuru VaMugabe nekupaza dura rehurumende mushure mekunge vashandisa mari inopfuura mamiriyoni maviri kuenda nevanhu vanodarika makumi masere kumusangano weUN uyu.

Vachibva kuUN VaMugabe vachaenda kuEcuador uko vachanopihwa mubairo neAnglican Church weDoctorate vachinzi vari kugona kutonga. Muzinda weAmerica muZimbabwe unoti wakapa vanhu vanodarika makumi masere mavhiza uye vakazopa neChipiri mutori wenhau Reuben Barwe visa rekuenda kuAmerica.

Barwe akapihwa pamwe naVaHappyton Bonyongwe mukuru wemaCIO vainge vambonzi varambidzwa kufamba kuenda kuAmerica.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaCharles Mangongera vanoti VaMugabe havana hanya nekuti nyika haina mari uye vakawanda varikudya nhoko dzezvironda.

XS
SM
MD
LG