Accessibility links

Breaking News

VaMugabe neMhuri Yavo Vanoverengwa neMuvhuro


VaMugabe nemudzimai wavo Grace MuGabe
VaMugabe nemudzimai wavo Grace MuGabe

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemhuri yavo vaverengwawo kumadeukazuva vari pamuzinda wavo weState House, apo chirongwa chekuverengwa kwevanhu munyika yose chapinda muzuva retatu.

Vari kutungamira chirongwa ichi vanoti chave kufamba sezvanga zvakatarisirwa, vachiti vanoona sevachakwanisa kubata nguva yakatarwa yemusi wa 27 Nyamavhuvhu yekuti chirongwa ichi chipere.

Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi reZIMSTAT vachiona nezvekuverengwa kwevanhu, VaWashington Mapeta, vanoti dambudziko rezvipfeko zvevari kuverenga vanhu rave kugadziriswa, kunyange hazvo vamwe vaverengi munzvimbo dzakasiyanasiyana vari kunzi havana zvipfeko izvi.

Asi vari kuita basa iri vanonzi vari kuzivikanwa nemabheji avainawo ane zita nenhamba dzavo uye vamwe vacho varairidzi vemunharaunda dzavanogara.

Chirongwa chekuverengwa kwevanhu chinoitwa mukupera kwemakore gumi.

VaMapeta vanoti vari kukurudzira vana veZimbabwe kuti vabate pamwe nevanhu vari kuverenga vanhu ava, sezvo zvichaduda zvichizoshandiswa nenyika mukuronga nyaya dzebudiriro, pamwe nezvimwe zvirongwa zvinoda kuti nyika inge ichizivikanwa kuti ine vanhu vakawanda zvakadii.

Mumwe mugari wekudunhu reUzumba, kuMashonaland East, Amai Chenai Chimhanda, avo vakaverengwa nemusi weSvondo, vanotiwo vanoona sekuti chirongwa ichi chiri kufamba zvakanaka mudunhu ravo.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG