Accessibility links

Breaking News

Makurukota eZanu-PF Oramba Kupinda muMusangano Uri Kukokerwa naVaTsvangirai


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vari kushora zvikuru makurukota eZanu-PF vachiti ari kuita zvehunhubu nekuramba kuvateerera.

NeChipiri makurukota eZanu-PF akaramba kupinda mumusangano wekanzuru yemakurukota, Council of Ministers, uyo una VaTsvangirai sasachigaro wawo. Musangano uyu waida kutaura pamusoro pezvimhingamupinyi muchirongwa chekuendeswa kwehupfumi kuvatema.

Zvichitevera kuramba kwemakurukota eZanu-PF kupinda mumusangano uyu, nyaya iyi yave kutarisirwa kuzeyiwa nevatungamiri vehurumende vatatu kana mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vadzoka kuSingapore.

Tsamba yakanyorwa nehofisi yaVaTsvangirai ichienda kumakurukota ose ehurumende ichivakoka kumusangano uyu inoti hurumende yainge isisataure nezwi rimwe chete panyaya yekuendesa hupfumi kuvatema, uye mabatirwo enyaya iyi ainge okanganisawo mamwe makurukota anosvika gumi nemaviri zvekuti nyaya iyi yave kuda kuti itwasanudzwe

Asi veZanu-PF vakaramba kuuya kumusangano uyu vachiti VaTsvangirai vaida kuita musangano wedare remakurukota nerweseri vachiyedza kutora mukana wekuti VaMugabe vange vasiri munyika.

Asi veMDC vari kushora veZanu-PF vachiti vari kutyora mutemo wenyika nedanho rovotora rekuti vave kungotora mumakambani evekunze kwenyika zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana vasina muripo wavanobhadhara sezvinodiwa nemutemo.

MuZanu-PF munonzi mune chimwe chikwata chiri kutungamirwa naVaSydney Sekeramai, gurukota muhofisi yaVaMugabe rinoona nezvevasori, ichi chiri kuti vanhu vanofanirwa kutenga zvikamu izvi mumakambani, kwete kuita zvejambanja, sezvo zvichizokonzera nyika kuenda kumawere.

Asi gurukota rezve kuendesa hupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, vanoti hapana kudzokera kumashure panyaya iyi.

Tabatawo mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka vanoti VaKasukuwere ndivo vakakumbira musangano uyu asi vave kurova nhendeshure.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaJeremiah Bamu vanova gweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti muhurumende yemubatanidzwa kusawirirana chava chigariro.

XS
SM
MD
LG