Nhasi mangwanani dare repamusoro riri kutarisirwa kunzwa nyaya yakakwidzwa nemurwiri wekodzero dzevanhu, vaMfundo Mlilo, vachipikisa danho rakatorwa negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube rekudzika mutero wezvikamu zviri kubva muzana pamari inenge ichibhadharwa nemakadhi ekumabhanga.
VaMlilo vanoti danho rakatorwa naVaNcube riri kunze kwemutemo sezvo rakaitwa kunze kwedare reparamende.
VaMlilo vakambokwira kudare nenyaya imwecheteyo gore rapera asi yakaraswa ichinzi yakanga isiri yechimbichimbi.
Gweta riri kumirira VaMlilo, VaTendai Biti vanoti VaMlilo semurwiri wekodzero dzevanhu havadi kuti hurumende iite madiro aJojina.
Facebook Forum