Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Vanoti Hupfumi hweNyika Huri Mugwara Kunyangwe Vamwe Vari Kuti Nhamo Yapfunya Chisero muNyika


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, nemusi weChina vakazivisa mafambiro ari kuita bhajeti regore rino vachiti hupfumi huchakura kudarika zvavange vakatarisira zvisinei nekuti nyika yakatarasina nedenda reCovid-19.

Vachitaura muparamende, VaNcube vati vave kutarisira kuti hupfumi wenyika kuti huchakwira kusvika pazvikamu zvinomwe nezviga zvisere kubva muzana, kana 7.8% kubva pazvikamu zvinomwe nezviga zvina kubva muzana 7.4% yavange vachitarisira vachiti ichi zvichaitika nekuda kwemwaka wakanaka pamwe nemitengo yakanaka yezvicherwa pamisika yepasi rese.

Vatiwo bhajeti ravo harina kunyanyosiyana nezvavange vakatarisira nekudaro havasi kuzokumbira paramende kuti iwedzere imwe mari pabhajeti ravo regore rino remabhiriyoni mazana mazana nemakumi maviri nerimwe emadhora emuZimbabwe.

Vati vaitarisira kuwana maRTGs182 billion kusvika muna Chikumi asi vakawana RTGs 198.2 billion, uye vanotaririsira kuti izvi zvicharamba zvichiitka kusvika pakupera kwegore.

Vatiwo mari dzinotumirwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kana kuti kana kuti Diaspora remittances yakwira kusvika paUS$746.7m kubva kutanga kwegore kusvika muna Chikumi kana zvichienzaniiswa neUS$288.7 million panguva imwe cheteo gore rapfuura.

Asi vati hurumende iri kushandisa mari yakawanda kudarika zvayanga yakaronga pamabasa ebudiriro nepanyaya dzemihoro yevashandi.

Vatiwo vari kushandisawo mari yakawanda kuti vanhu vabatsirikane nekuda kwedende reCovid-19.

VaNcube vatiwo nyika yakawana mari yakawanda kudarika mari yayaitarisira nemari inodarika mamiriyoni mazana mashanu emaRTGs.

Asi mumiriri we Hatfield muNational Assembly, Dr Tapiwa Mashakada, vati izvi hazvina zvazvinoreva kana mari isingashandiswe kubatsira vanhu vanotambura zviri kuonekwa nenyika yese.

Asi mumiriri weGuruve South, VaPatrick Dutiro, veZanu PF vati bhajeti rinofanira kuita kuti vanhu vakwanise kuzvichengeta kwete kubatsirwa nehurumende.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vachishanda nesangano reLabour, Economic, Develoment and Research Institute of Zimbabwe, Dr Prosper Chitambara, vaudza Studio 7 kuti zvataurwa naVaNcube zvinogona kuitika nekuda kwekuti hupfumi hwenyika hwange huri kudzikira mumakore maviri apfuura.

Asi vati pachine dambudziko panyaya yekubatsira vanhu vanotambura.

Vamwewo vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo VaNcube vachiti hupfumi huri kufamba zvakanaka, izvi hazvisati zvave kuonekwa muvanhu.

Masangano eInternational Monetary Fund neWorld Bank anobvumiranawo nehurumende kuti hupfumi weZimbabwe huchakura gore rino asi vachipesana kuti huchakura nezvikamu zvingani.

Zvichakadai VaNcube vaparuravo hwaro hwebhajeti ravo regore rinouuya kana kuti Budget Strategy Paper vachiti vanotarisira kuenderera mberi nezvirongwa zvavari kuita pari zvino zvekuvandudza hupfumi uye vanotarisira kuti hupfumi huchakura nezvakamu zvishanu nechidimbu kubva muzana gore rinouya.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG