Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube naVaMangudya Votenda Kuti Vanhu Havasi Kunzwisisa nezveDhora reZimbabwe


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube nagavhuna weRBZ VaJohn Mangudya avo vange vari mudare reparamende nhasi vatenda kuti vanhu havasi kunzwisisa nezvekuparurwa kwedhora reZimbabwe chete kuti rishandiswe munyika pachubviswa dzimwe mari dzekunze.

Pavabvunzwa kuti sei vakadzora dhora remuZimbabwe nechimbi chimbi asi ivo vaiti richauya mukupera kwegore rino, VaNcube vati, kutaura kwese kwavaiita pamwe nemutungamiriri wenyika kwaive kwekuti vanhu vagare vakagadzirira kuuya kwemari iyi sezvavakazoita svondo rapfuura.

Vatiwo vakaita izvi vasina kuudza veruzhinji sezvo vaive vasingade kuchenjejedza vanhu vavanoti ndivo vaivhiringidza hupfumi.

Doctor Mangudya, vatiwo kudzorwa kwemari yemuZimbabwe kuchabatsira kugadzirisa nyaya dzehupfumi munyika vachiti vanhu vakawanda havawane madhora ekuAmerica.

Vatiwo vanotarisira kuti vemabhanga, vemabhizimisi pamwe nemapurisa vachabatsira mukuona kuti SI 142 yatevedzwa.

Vatiwo kusvika kupera kwesvondo rapfuura pane mari yekunze inodarika mamiriyoni mamiriyoni mazana mashanu yemadhora ekuAmerica yainge yatengeswa pamusika weInterbank Forex Market.

Vatiwo vanhu nemakambani munyika vane bhiriyoni nemamazana matatu emamiriyoni emadhora ekuAmerica mumaNosto FCA Accounts avo.

VaMangudya vati chakakosha kuve nemitemo yakasimba yekushandiswa kwemari nemabhanga, uye vanhu vanofanirawo kuvimba nekutsigira mabhanga avo pamwe nekuti maindasitiri agadzire zvinhu achitengesa kuti nyika ive mari yekunze yakawanda.

VaMangudya varambawo kuti RBZ yaitengesa mari pamusika mutema vachiti vanhu vanofanira kuremekedza mabhanga kwete kutaura manyepo vachiti izvi ndizvo zvimwe zvinokanganisa hupfumi munyika.

VaNcube naVaManguddya vazivisa kuti vachatanga chirongwa chekushambadza S1 142 vachishandisa mitauro yese munyika sezvo vabvuma kuti hapana ruzivo rwakanyanya pamusoro peshanduko yakaitika svondo rapfuura.

Asi vaimbova gurukota rezvemari VaTendai Biti vanova mumwe wevatevedzeri webato reMDC vati zviri kutaurwa nevaviviri ava hazvishande.

Sachigaro vekomiti iyi, VaFelix Mhona veZanu-PF, vaudza VaNcube naVaMangudya vanhu vakawanda vari kutorerwa mari yavo yekunze kumaruwa sezvo vari kuudzwa kuti mari iyi haichashanda.

Asi vaviri ava vati mari yekunze ichiri kushanda asi kuti inofanira kutanga yachinjwa kuve maZimbabwe dollars.

Zvichakadaro, gurukota rezvemari, muzvinafundo Mthuli Ncube, nhasi vazivisa kuti hurumende ichabhadhara chikwereti cheZESA kuEskom YekuSouth Africa nhasi mushure mekunge kambani iyi yaramba kuti ZESA yainge yabhadhara chikwereti ichi sezvakataurwa negurukota rezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, svondo rapfuura.

Vachipindura mibvunzo kuti sei VaChasi vainge vataura kuti mari yainge yabhadharwa asi iyo isina, VaNcube vati havazivi zvakataurwa naVaChasi asi vachivimbisa kubhadhara imwe mari pachikwereti cheESKOM.

Svondo rapera VaChasi vakaudza vatori venhau mushure memusangano wedare remakurukota kuti hurumende yainge habhadhara chikwereti cheZESA kuESKOM. Asi mukupera kwesvondo ESKOM yakaramba kuti ZESA yainge yabhadhara mari iyi.

VaNcube avo vange vauya kuparamende kuzotsanangura mutemo Statutory Instrument 142, vati danho ravatakora rakanakira nyika uye rinofanira kutsigirwa nemhunu wese.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG