Accessibility links

Breaking News

VaMohadi Vokuridziva Vanhu Kuti Vasimbaradze Kuzvidzivirira Kubva kuCoronavirus


VaKembo Dugishi Mohadi

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi nemusi weChina vakakurudzira vanhu kuti vangwarire kutapurirwa chirwere checovid19 icho chiri kubata vanhu vakawanda munyika nepasi rose.

VaMohadi vanova sachigaro wekomiti yekurwisa chirwere ichi kana kuti Covid 19 Taskforce vainge vaine mamwe makurukota ehurumende vachishanyira kuChinhoyi University of Technology (CUT) vakakurudzira vanhu kuti vapfeke zvekuzvidzivirira muromo nemhuno kana kuti maface masks.

VaMohadi vati chirwere cheCovid-19 chakaita kuti vanhu vamuke nekushandisa ruzivo rwavainarwo kupedza matambudziko ari munyika kusanganisira zvikwanisiro zvekudzivirira hutachiona hwecoronavirus.

Asi mumwe mushandi anogadzira maface masks paCUT asina kuda kudomwa nezita anoti mari yavari kuhoreswa ishoma zvikuru zvichienzaniswa neyavari kuwana kana vatengesa zvavanenge vagadzira.

Mushandi uyu anoti vari kupihwa mari zvichienderana nekuti vagadzira maface masks mangani achiti mari yakawanda yaakatambira madhora zviuru zvishanu-ZWL$5 000 asi anoti vakambotambira ZWL$300.

CUT iri kugadzira maface masks zviuru zvitatu pazuva zvinovapa madhora zviuru mazana matanhatu pamwedzi ZWL$600 000 sezvo face mask imwechete ichitengeswa nemadhora makumi mashanu.

Panyaya yekuti sei paCUT paine maface masks nemasanitizer akawanda zvimwe zvipatara zvichiti hazvina zvinhu izvi, mutauriri weCUT VaMusekiwa Tapera vanoti akatengwa kari akamirira kuzotorwa.

VaTapera vatadza kuti taurira kuti vakambopihwa marii nehurumende yekutanga kugadzira zvikwanisiro zvinoderedza kutapuriranwa kwechirwere cheCovid-19.

Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance VaHlatshwayo vanoti zvinoshamisa kuti vamwe vana nevarikunyoresa bvunzo vari kushaya maface masks asi achigadzirwa muzvikoro.

VaHlatshwayo vanotiwo zviri kuitika mukutenga zvikwanisiro zvinoratidza kuti huori hwatekeshera muhurumende.

Vamwe vapinda musangano wanhasi vanoti hazvina kujeka kuti ndiani chaiye ari kuwana mari pakutengeswa kwezvikwanisiro zviri kugadzirwa muzvikoro kana zvichitadza kupanana zvikwanisiro.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG