Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vowedzera Mazuva eKuti Vanhu Vagare Mudzimba


Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMuvhuro vakawedzera mazuva ekuti vanhu vagae mudzimba kana kuti National Lockdown nemasvondo maviri vachiti huwandu hwevanhu vanedenda reCovid-19 nevarikufa nechirwere ichi huchakawanda.

Kunyange hazvo vawedzera mazuva eNational Lockdown VaMnangagwa vawedzera nguva yekuvhurwa kwemabhizimisi nezvitoro zviri kushanda kubva panguva dza8 mangwanani kusvika panguva dza5 masikati.

VaMnangagwa varerutsa nguva dzekuti vanhu vasafambe fambe kana kuti curfew kubva panguva 8 kusvika panguva dza5:30 maangwanani.

Vatiwo huwandu hwevashandi vehurumende vari kuenda kubasa hwawedzerwa kubva pazvikamu gumi kusvika pazvikamu makumu maviri nezvitatu kubva muzana.

VaMnangagwa vati vanhu vacharamba vasingabvumidzwe kufamba pakati pemadhorobha uye ndufu dzicharamba dzichipindwa nevanhu makumi matatu uye magungano ese acharamba asingabvumidzwe.

Vatiwo zvikoru zvicharamba zvakavharwa panguva yeLockodown. Vati vanovimba kuti matanho avataora achaderedza huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19.

Vaenderera mberi vachiti Zimbabwe nhasi yatambira homba yeCovid-19 kubva China uye vakatiwo dzimwe nhomba dzichabva kuRusssina, India neUnited Kingdom izvo zvichawedzera huwanda hwevanhu vachawana nhomba.

Mutungamiri wenyika ati bazi rezveehutano richazivisa hurongwa hwekubaya vanhu nhomba.

VaMangagwa vati makambani anoda kuvhura anofanira kuona kuti vashandi vawo vaongororwa pachietevedzwa zvinodiwa neWorld health Organisation.

Misika icharamba yakavhare uyewo VaMnangagwa vati vanozvishandira kana kuti Informal sector vachabvumidzwa kushanda chet kana vachiengewo vatevedzwao zviga zvebazi rehutano neWorld Health Orgnaisation zvekuti dzivirira kupararira kweCovid-19.

Zimbabwe yakaenda paLevel 4 neNational Lockdown musi wa5 Ndira mushure mekunge huwandu hwevanhu vaibatwa nekufa neCovid-19 hwakwira zvakanyanya.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG