Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Vanhu Ngavavhotere Zanu PF Yakaunza Kuzvitonga


 President Emmerson Mnangagwa
President Emmerson Mnangagwa

Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, vanoti yasvika nguva yekukohwa zvavakarima, nekudaro vatsigiri vebato ravo vanofanirwa kuvhotera Zanu PF kuti irambe ichitonga kuitira kuti vanhu vachengetedze nhaka yavo.

Vachitaura vari muChipadze Stadium kuBindura, VaMnangagwa vati mapurazi avakatora haadzokeri kuvachena nekuti akapihwa kuvaridzi vawo vanhu vatema.

VaMnangagwa vati hurumende yavo yakashanda zvakanyanya mumwedzi mitanhatu yapfuura ichiedza kudzosa chimiro chakanaka chenyika.

Vati vakaenda kunze kwenyika uko vakawana rubatsiro rwakakura kubva ku China munyaya dzemabhizinesi akasiyana siyana. Vati izvi zvichabatsira veruzhinji kuwana mabasa kuitira kuti vave nehupenyu huri nani.

VaMnangagwa vashoropodza huori vachiti huori hunotadzisa nyika kubudirira uye vanhu vane ruzivo rwevanhu vari kuita huori, vanofanirwa kutaura kuti zvinhu zvigadziriswe.

Vati hurumende yavo hairambidzi vanhu kushanda nesimba vachiita mari yakawanda, asi vati havadi kuti vanhu vaite mari nekubira nyika.

Va Mnangagwa vatora mukana uyu kurumbidza vanhu vemudunhu reMashonaland Central vachiti ndivo tsime re Zanu PF, vakavakurudzira kuti varambe vakasimba nekubatana.

VaMnangagwa vati zvichemo zviri muvanhu vanozviziva, uye hurumende yavo ichazvigadzirisa. VaMnangagwa vavimbisawo kubatsira vanoita mabasa emaoko.

VaMnangagwa vatiwo vachagadzirisawo zvose zvavati zvakasiya zvakanganiswa nechikwata cheG40, icho vati chakasiya chaparadza zvinhu zvakawanda.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuchikwata che G40 pamusoro pemashoko aVaMnangagwa.

VaMnangagwa vari kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika kekutanga zvichitevera kubvuta muna Mbudzi gore rapera kwavakaita masimba kubva kuna VaRobert Mugabe, vachibatsirwa nevaive mukuru wemauto, VaConstantino Chiwenga, avo vava mumwe wevatevedzeri vaVaMnangagwa muhurumende.

Zimbabwe iri kupinda musarudzo kekutanga mumakore makumi matatu nemasere VaMugabe vasingakwikwidze.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG