Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vovimbisa Kubatsira Harare Kuti Iwane Mvura Kubva kuManyame


Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vazivisa kuti hurumende yavo ichatsigira kanzuru yeHarare nemari kuti kanzuru ikwanise kuwanisa vagari mvura yakachena.

VaMnangagwa vataura mashoko aya mushure mekushanyira chigayo chemvura cheMorton Jafray Work Works uko vaudzwa matambudziko akatarisana nekanzuru panyaya yekuwanisa vagary mvura yakachena.

Mutungamiri wenyika audzwa nameya nevakuru vakuru vekanzuru kuti zvingave nane kuti kanzuru itore mvura kubva kudhamu reManyame sezvo mvura iyi isingade mishonga yakawanda kuichenesa.

Vati iyi ipfungwa yakanaka chose uye hurumende ichabhadhara mari yekuisa mapombi ekuti kanzuru itore mvura yakawanda kubva kuManyame.

Pari zvino hazvisati zvazivikanwa kuti panodiwa mariii kuita basa iri asi patove nenyanzvi dzakabva kuSouth Africa dzave kutogadziririra kuti chirongwa ichi chichitanga kuitwa.

VaMnangagwa avo vange vaine makurukota ezvemari, matunhu nemadhorobha uye mvura vati vaudzwa kuti chigayo ichi chasakara uyewo vaudzwa kuti mvura inobva mudhamu reChivero yakasviba izvo zvinoita kuti kanzuru ishandise mishonga yakawanda kuchenesa mvura yacho

Meya veHarare, VaHebert Gomba, vaudza Studio 7 kuti zvinofadza kuti kunyange hazvo kanzuru yange yave kutora imwe mvura kubva kunaManyame, hurumende yawedzera huwandu hwemvura yavave kutora kubva kunaChivero

Vatiwo zvinofadza kuti hurumende yave kubhadhara chikwereti chayo chemvura kukanzuru yeHarare.

Mabharani mukuru wekanzuru yeHarare, VaHosea Chisangano vati mvura muChivero yange yave shomasa uye danho ratorwa nehurumende rakanaka chose nekuti zvave kureva kuti guta richawana mvura yakawanda.

Asi VaChisango vati kukwira kwemutengo wemagetsi, kuchakwidza mutengo wemvura vachiti vange vari kushandisa mazana mashanu ezviuru zvemadhora kuzvigayo zvemvura uye pari zvino vave kushandisa mamiriyoni mapfumbamwe pamwedzi.

Harare nemadhorobha akaitenderedza akatarisana nedambudziko rekushomeka kwemvura zvekuti nyanzvi munyaya dzekuwanisa vanhu mvura dzinoti chinodiwa kuvaka mamwe madhamu akaita seKunzwi kuti pawanikwe mvura inokwanira vanhu vese.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG