Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vovhura Zviri Pamutemo Dare reVechidiki Vachiudzwa Matambudziko Osangana neVana Ava


Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, neMuvhuro vakavhura zviri pamutemo chikamu chechimakumi maviri nepfumbabwe cheparamende yevechidiki.

Pamusangano uyu vakaudzwa matambudziko anosangana nevana munyika akaita sekushomeka kwezvikoro, kudhura kana kushaikwa kwembozhanhare kana computer ekushandisa muzvikoro, kudhura kwedata pamwe nekushungurudzwa kana kubatwa chibharo kunoitwa vasikana muzvikoro.

Mumashoko avo ekuvhura paramende,, mutungamiriri wenyika wevechidiki achangobva mukusarudzwa, Hazel Mandaza, akati dambudziko rezvekunwa nekuputa zvino dhaka rapararira nenyika yose uye zvakakosha kuti hurumende igadzirise dambudziko iri nekukasika.

Atiwo hurumende inofanira kutsigira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro nemagrants zvayaiita kare uye kuvaka zvikoro zvekudzidzisa mubato wemaoko kana kuti Vocational Training Centre, zvinoita kuti vechidiki vese vawane zvekuita vasaite zvechipfambi, kunwa kana kuputa zvinodhaka.

Imwe nhengo yeJunior Parliament inobva kudunhu reMasvingo, Vimbai Chiguma, anoti ano shushikana kuti kudunhu rake kune vanasikana vakawanda vari kusiya chikoro mushure mekubata pamuviri.

Anotiwo sezvo kudzidza kwakawanda kwave kuitwa pamadandemutande kuna kuti E-Learning, vana muzvikoro vanofanira kuwanirwa nharembozha kana macomputer kuti vakwanise kudzidza kunyange vari kumba sezvo kuine denda reCovid-19.

Izvi zvinotsigirwa naWesley Jayden Dhliwayo wemudunhu reHarare ati kuvharwa kwezvikoro kwakaomesera vaye vasina nharembozha kana macomputer sezvo zvakaita kuti vatadze kudzidza vari kumba.

Dhliwayo atiwo mutengo wedata wakwira zvakanyanya zvekuti vave kuda rubatsiro rwekutenga data kana kuenda paWifi kuti vakwanise kudzidza.

Dzimwe nhengo dzeparamende yechidiki dzatiwo hurumende inofanira kuisa Wifi muzvikoro zvese, nzvimbo dzekuverengera kana kumaLibrary kuti dzikwanise kushandise michina yechizvinozvino kuita zvidzidzo zvavo.

Vatiwo hurumende inofanira kudzika mitemo yekuchengetedza vechidiki pamadantemutande sezvo vachiti pane kutyisidzirwa kwakanyanya kana kuti Cyberbullying pachirungu kuti kuitika.

VaMnangagwa vakatenda vechidiki ava nekubuda pachena vachitaura zvichemo zvavo vachiti izvi zvinoita kuti hurumende izvinzwire pamhino sefodya.

Vakatiwo hurumende iri kutora matanhano akawanda ekubatsira vechidiki zvikuru sei panguva ino yeCovid-19.

Panyaya yekutyisidzirwa pamadandemutande, kushungurudzwa nekubatwa kwechibharo kwevana vechikoro, gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vakati hurumende iri kusimbaradza mitemo kuti vanopara mhosva vasungwe.

Vakati kutaura kudai pane mabhiri akaita seChild Justice Act ave kutozeiwa neparamende uye achange achibata nyaya dzese dzakabuda mumusangano uyu.

Panyaya yekushomeka kwezvikoro, vakafanobata chinzvimbo chegurukota redzidzo yepasi, Muzvinafundo Paul Mavhima, vati hurumende yatotanga kugadzirisa dambudziko iri vachiti ichatanga nekuvaka zvikoro makumi maviri kutanga kwegore rinouuya.

Vati ongororo yavakaita inoratidza kuti panodiwa zvimwe zvikoro zviuru zvitatu kuti nyika ive nezvikoro zvinokwanira vana vese.

Panyanya dzemutengo wedata, mbozhanhare nemacomputer, VaMavima vakati bazi rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko kana kuti reInformation and Communication Technology riri kutora matanhano ekuti munyika muwanikwe macomputer kana nharembozha zvine mitengo iri pasi.

Vakati hurumende iri kuita mushandirapamwe neimwe kambani yekuChina kugadzira zvinhu izvi munyika kuti zviwanikwe nemutengo uri pasi.

Paramende yevechidiki inowanzovhurwa zviri pamutemo musi weInternational Day of the Africa Child muna Chikumi asi izvi hazvina kukwanisika nekuda kwedenda reCovid-19.

Gore rapfuura chiitiko ichi hachina kutoitwa sezvo nyika yainge yakavharwa nekuda kweCovid-19.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG