Accessibility links

Breaking News

Mutungamiririri wenyika VaEmmerson Mnangagwa Voshanya KuQatar kuMisangano yeMazuva Matatu


Emmerson Mnangagwa Switzerland Davos Forum
Emmerson Mnangagwa Switzerland Davos Forum

Mutungamiririri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakasvika munyika yeQatar mangwanani eMuvhuro kurwendo rwemazuva matatu rwavakakokwa ne mutungamiriri we nyika iyi Sheik Tamin bin Hamad Al Thani.

VaMnangagwa vatambirwa nemunyarikani wemhuri yekwa Tani vachibva vatonanga kumusangano wavo wekutanga nemukuru wenyika.

Musangano uyu wakapindirwa kumuzinda weRitz Carlton kumahofisi a Shaik Tamin bin Hamad Al Thani.

VaMnangagwa vakaperekedzwa nemakurukota anosanganisira Rtd Air Marshal Perrance Shiri, VaPatrick Chinamasa, VaMike Bimha, VaWinston Chitando na gavhuna we bhanga renyika, Doctor John Mangudya.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvriri muQatar zvinonzi zviri kusangana nemutungamiri wenyika nemakurukota ariko mangwana kuti zvinzwewo mharidzo yavo yekuti vemabhizinesi vakasununguka kupinda munyika yeZimbabwe kana kuti “Zimbabwe is Open for Business”.

Kuchapindwawo mimwe misangano yakasiyana siyana nevemabhizinesi veku Qatar mumazuva maviri anotevera. Zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara kuQatar zvinotiwo zvakamirira kuona zvichabuda mumisangano iyi.

Nyika yeQatar imwe yenyika dzinozivikanwa pasi rese nenyaya dzehupfumi hunobva mukutengesa mafuta ekufambisa dzimotokari.

Mutevedzeri wegurukota rezvemari VaTerrence Mukupe vanoti chakakosha ndechekuti VaMnangagwa havana kukumbira musangano nenyika iyi asi kutoti vakakokwa kuti vazoita hurukuro idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG