Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vosangana neMutungamiri weChina VaXi Jinping Nhasi


VaEmmerson MnangagwaaVa Xi Jinping
VaEmmerson MnangagwaaVa Xi Jinping

Kunyange hazvo Zimbabwe ine zviwanikwa nezvicherwa zvakawanda, ichirikuda rubatsiro rwemari kubva kunze rwakaitwa seurwo rwakavimbiswa neChina pamusangano weForum for Africa-China Co-operation uchangobva mukuitwa.

Nyanzvi dzinoti hazvinei kuti rubatsiro urwu rwabvepi asi kuti chinodiwa kuti hurumende idzike mitemo yekushandiswa kwemari iyi kuti ishandiswe mumabasa ekusimudzira hupfumi wenyika.

Zimbabwe ine zvikwereti zvemabhiriyoni emadhora uye inotarisirwa kuwana vimwe zvikwereti nerubatsiro rwemamiriyoni emadhora kubva kuChina zvichetevera chivimbiso chakaitwa neChina chekuti ichapa rubatsiro runokosha mabhiriyoni makumi matanhatu emadhora, kuAfrica, pamusangano wakapindwawo nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti, zvakaitwa neChina pamusangano weFOCAC , zvakanaka chose sezvo zviine chinanangwa chekundudza hupfumi hwenyika dzemuAfrica .

Kunyange hazvo kuine vamwe vanoti China inenge iri kubatirira nyika dzakaita seZimbabwe pamwe nekuipa zvikwereti iyo ichizota zvicherwa zvayo, vamwe vanoti chakakosha kuti hurumende ione kuti mari yakweretwa yashandiswa zvayakakwereterwa.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reLabour and Economic Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, hazvinei kuti mari yabva kuti asi kuti inofanira kushandiswa zvine mwero.

Vanoti nyika dzemuAfrica zhimji hadzikwini kubudirira kunyange dzikawana rubatsiro rwakakura sei vachiti chinodiwa kuti vatungamiriri venyika idzi vanozvikoshesa pachavo ivo kwete kuvandudza hupfumi hwenyika nemagarire evanhu.

VaChitambara vanoti hongu zvicherwa zviromo muZimbabwe asi maindastiri anoda kuvandudzwa kuti nyika itengese zvigadzirwa kwete zvicherwa kunyika dzakaita seChina.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaMasimba Manyaya vanobvumirana naVaChitambara asi vanoti panofanira kujeka pakudyidzana kweZimbabwe neChina vakapa semuenzaniso zvibvumirano zvakjaitwa neZimbabwe neChina pakucherwa kwemangoda ekwaMarange.

Vanoti zvikwereti hazvina kuipa kana zvichibatsira kusimudzira hupenyu hwevanhu. Asi vati zvanetsa muZimbabwe inyaya yekuti zvikwereti zviri kuwanda asi pasina shanduko pahupenyua hwevanhu.

VaManyanya vanoti havaoni Zimbabwe ichisunguka kubva kuChina nekuti nyika zhinji dzemuAfrica dzakaita sanaKenya, Angola neNigeria dzine hupfumi hwakakura kudarika Zimbabwe dzakatokwereta mari yakawanda zvikuru kubva kuChina kudarika yadzakakwereta kubva kuEurope.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaMasimba Manyanya vaudza Studio 7 kuti hapna chakaipa kutora chikwereti asi vanoti izvi zvinofanira kuitwa pachena zvichiburikidza neparamende. Vatiwo zviri pachena kuti zvikwereti zvese zviri kutorwa nehurumende zviri kuitwa muchihwande izvi zvisingafadze veruzhinji.

Vatiwo hurumende inofanira kushandisawo zvizvarwa zvemuno zvinehunyanzvi apo inennge yave kutipinda muzvikwereti kana zvibvumirano zvemari kuti isawanikwa ichibiridzirwa.

Zvikwereti zveAfrica kusanganisira Zimbabwe kuChina zvirikuramba zvichikura zvekuti mukutanga kwegore rino vaive gurukota rezvekunze kweAmerica VaRex Tillerson vakayambira nyika dzemuAfrica kuti dzingwarire kuti dzinogona kupedzesera dzapinda mudambudziko guru nekuramba dzichikwereta kuChina..

Kusvika muna 2030 zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvezvikweret zvese zvenyika dzemuSub Saharan Africa zvinenge zviri zvekuChina.

MuZimbabwe mari yese iri kushandiswa kuita zvirongwa zvikuru zvakaita sekuvaka magwenya emagetsi, migwagwa nenhandare dzendege iri kubva kuChina.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG