Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vopinda Mumusangano weAU kuMauritania


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kupinda mumusangano weAfrican Union kuNouakchott, kuMauritania uyo wakanangana nenyaya dzerunyararo.

Pakuvhurwa kwemusangano uyu, sachigaro weAU vari mutungamiri wenyika yeRwanda VaPaul Kagame varatidza kushushikana zvikuru nekuputika kwakaita rinofungidzirwa kuti igirinedhi kuWhite City Stadium muZimbabwe.

Vakaudza VaMnagagwa kuti vari kuchema uye kumira neZimbabwe panguva yakaoma iyi. VaKagame vakataurawo mashoko aya kunyika dzakatarisana nematambudziko evanopfurikidza mwero munigeria neEthiopia.

Sachigaro weZanu-PF ku Britain VaNick Mangwana vanoti zviri kutaurwa neAfrica Union pamusangano uyu zvinogona kunetsa kuzadzikisa nekuti sangano iri harina kuvandudza zvimwe zvisungo zvekuti AU isapindire mune dzimwe nyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG