Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoshanyira Nyika yeChina kweMazuva Mashanu


Zimbabwe's President Emmerson Mnangagwa

Mutungamiriri wenyika VaEmerson Mnangagwa, vasvika muguta reBeijing, kuChina, murwendo rwavo rwekutanga kunyika iyi kubva pavakaitwa mutungamiri wenyika.

VaMnangagwa vakakokwa nemutungamiri wenyika iyi, Va Xi Jinping, uye vari kuperekedzwa nemudzimai wavo Amai Auxilia Mnangagwa, gurukota rezvema Indasitiri, VaMike Bimha, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, nemamwe makurukota anosanganisira VaSupa Mandiwanzira, naAmai Prisca Mupfumira.

Vamwe vaendawo naVaMnangagwa munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba, pamwe neChipangamazano chavo, VaChris Mutsvangwa, avo vaimbove mumiririri weZimbabwe kuChina kubva muna2002 kusvika muna2006.

VaMnagagwa vatambirwa panhandare yendege nemutevedzeri wegurukota rezvekunze kweChina, Va Chen Xiaoding, avo vakamboshanyawo kuZimbabwe mazuva mashoma apera.

Mumiriri we Zimbabwe kuChina Ammbassador Paul Chikava negurugota rezvekunze kwenyika, VaSibusiso Moyo, avo vakafanotungamira, vaendawo kuzotambira VaMnangagwa.

VaMoyo vakafanotungamira nechikwata chevemabhizimusi chakaendawo kunopinda mumisangano yakasiyanasiyana yezvekudyidzana kwenyika mbiri idzimune zvemabhizimusi.

Rwendo rwemutungamiri wenyika urwu rwuri kutarisirwawo kuti rwuchawanisa nyika vanoda kuzotanga mabhizimusi, uyewo kupa mukana mukunyoreranwa kwezvibvumirano zvakasiyanasiyana.

Mutevedzeri wegurukota rezvemari nehupfumi, VaTerence Mukupe vanoti China iri kuda kunzwa kubva kuZimbabwe kuti zvairi kuda kuita senyika mukuvandudza hupfumi hwenyika ndezvipi.

"China iri kuda kuvhura mukana nekutipawo vanamuzvinabhizimusi veikoko kuti tishande tese tichivapawo zvavari kutsvaga isu tiine zvatakabatawo," VaMukupe vanodaro.

Vanoti hukama hweZimbabwe neChina hwakabva kure uye inyika inotarisawo Zimbabwe neziso rakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG