Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voendeswa Kumatare neKusapa Madzimai Mikana Yakafanira


WALPE
WALPE

Sangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi nekuvabatsira kuti vawane zvigaro zvehutungamiri, reWomen’s Academy For Leadership And Political Excellence (WALPE) rinoti raendesa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kudare repamusoro senzira yekuvamanikidza kuti vatevere bumbiro remutemo mukupa vanhukadzi mikana yezvehutungamiri yakaenzana neye vanhurume.

Mukuru weWALPE, Muzvare Sitabile Dewa, vaudza Studio 7 kuti nyika zhinji dzave kukurudzira nekupa vanhukadzi zvinzvimbo zvehutungamiri mumabasa, muparamende nemuhurumende asi Zimbabwe hapana zvairi kuita nezvenyaya iyi.

Muzvare Dewa vati, mwedzi wapera, VaMnangagwa vakaudza musangano webato ravo kuti bato ravo richapa vanhukadzi zvigaro zvehutungamiri makumi matatu kubva muzana, izvo WALPE nemamwe masangano anorwira kodzero dzevanhukadzi vanoti havasi kuzotambira, vachiti vanhukadzi vanofanirwa kupiwa zvikamu makumi mashanu kubva muzana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG