Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kusimuka nhasi uno vakananga kuAdis Ababa, kuEthiopia, kumusangano weAfrican Union wechimakumi matatu nembiri, kana kuti 32nd Ordinary Session of the African Union.
Musangano uyu uri kutarisirwa kuitwa kwemazuva maviri, musi wa 10 nemusi wa 11 Kukadzi, inove svondo rinouya.
VaMnangagwa vanonzi vakatotumira nhume dzavo dzinoti vakafanobata chigaro chegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaPerrance Shiri, avo vakaenda kuKenya neTanzania, VaChristopher Mutsvangwa, avo vanonzi vakaenda kuZambia, pamwe naVaPatrick Chinamasa, avo vanonzi vakaenda kuBotswana.
Vatatu ava vanonzi vakanopira kuvatungamiri venyika idzi mamiriro akaita zvinhu munyika.
Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanofunga kuti VaMnangagwa vachanobvunza nezvenyaya yemhirizhonga yakaitika munyika mwedzi wapera, asi vamwe vanoti VaMnangagwa vakatogadzirira nezvenyaya iyi kuburikidza nemusangano wavakaita nevemapato anopikisa.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda paTswane University of Technology kuSouth Africa, Doctor Ricky Mukonza vanoti VaMnangagwa vari kubuda munyika vachisiya zvinhu zvakaita manyama amire nerongo.
Facebook Forum