Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vodoma Komisheni Ichaferefeta Nyaya yeKupfurwa kweVanhu neMauto muHarare


Mumwe munhu achitiza mauto pamhirizhonga iyi
Mumwe munhu achitiza mauto pamhirizhonga iyi

Mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weChitatu vakaadoma makomishina manomwe kuti aongorore mhirizhonga yakaitika musi wa1 Nyamavhuvhu muHarare iyo yakasiya vanhu vatanhatu vafa.

VaKgalema Mothlante
VaKgalema Mothlante

Vaimbova mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaKgalema Motlanthe ndivo vanenge vari sachigaro wekomisheni iyi. Vamwe vakadomwa vanosanganisa VaRodney Dixon QC vekuUnited Kingdom, Chief Emeka Anyaouku vaimbove munyori muCommonwealth vachibva kuNigeria nevaimbotungamirira mauto kuTanzania General Davis Mwamunyange.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri mukomishini iyi zvinoti Muzvinafundo Charity Manyeruke vanovazve mhengo yeZanu-PF, Muzvinafundo Lovemore Madhuku mutungamiri webato reNCA uye vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe uye Amai Vimbai Nyemba vaimbove mutungamiriri weLaw Society of Zimbabwe.

VaMnangagwa vakaudza vatori venhau kuti komisheni iyi ichatsvagurudza nekuongorora kuti ndivanani vakakonzera mhirizhonga.

VaMnangagwa vakatiwo komishini iyi ichatarisawo kuti chii chakaitwa nemapurisa uye zvii zvakazoita kuti masoja apindire pamhirizhonga iyi uye kuti maitiro avo anga akakodzera here pane zvaiitika.

VaMnangagwa vati komishini iyi inofanirwa kuvaturira zvainenge vawana mushure memwedzi mitatu kubva pavenenge vagadzwa zviripamutemo.

VaMnangagwa vati vachadzoka vachigadza makomishina aya vabva kumusangano weForum on China-Africa Cooperation kuChina.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu re International Commission of Jurists VaArnold Tsunga vanoti komisheni iyi kupedzera hoko padehwe retsindi nekuti vanhu vakapfura vanhu vanozivikanwa vangadai vakasungwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG