Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vobayiwa Nhomba keChipiri kuKwekwe


VaMnangagwa vachibayiwa nhomba yekutanga kuVictoria Falls

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakabayiwa nhomba yechipiri yekudzivirira chirwere cheCovid-19 pachipatara chikuru chemuKwekwe kuMidlands nemusi weChina.

Izvi zvinotevera kubayiwa kwavakaitwa nhomba yekutanga kuVictoria Falls mwedzi wapera.

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti VaMnangagwa vabayiwa nhomba yeSinovac.

Vachitaura mushure mekubayiwa nhomba iyi VaMnangagwa vati vari kufadzwa hehuwandu hwevanhu vari kuzvipira kubayiwa nhomba yekutanga neyechipiri. Asi vati vaenda kuKwekwe nekuti kune vanhu vashoma vari kuenda kunobayiwa nhomba.

VaMnangagwa vanotiwo ongororo yakaitwa muzvikoro inoratidza kuti vana vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 nekuda kwekuti vanodzidza vachigara pazvikoro vakaregerwa vachienda kudzimba pazororo reEaster zvichipesana nekurudziro yehurumende yekuti vasaende.

Chiremba ari kubatsira kurwisa chirwere cheCovid-19 mudunhu reMashonaland West Dr Paradzai Mudzengerere vanoti zvakakosha kubayiwa nhomba yechipiri kana munhu achida kuderedza hukasha hweCovid-19.

Izvi zvatsinhirwa nevaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa VaHenry Madzorera .

Dr Madzorera vanobvumawo kuti kubayiwa nhomba kwevatungamiri kunoita kuti chimwe chidimu chevanhu vakawanda chinotevedzera kubayiwawo nhomba asi vanoti hazvisi izvi zvega zvinoita kuti vanhu vade kubayiwa nhomba.

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC T VaDouglas Mwonzora vanoti zvakakosha kuti vatungamiri varatidze gwara nekubayiwa nhomba pachena.

Mutungamiri werimwe bato rinopikisa reLEAD Muzvare Linda Masarira avo vabayiwawo nhomba yechipiri muKwekwe vati kubayiwa kwevakuru vakuru chiratidzo chekuti nhomba haina kuipa sezvinotaurwa nevamwe pamadandemutande akasiyana siyana.

Mumwe abayiwa nhomba yechipiri nhasi muKwekwe igurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFredrick Shava.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu vanosvika zviuru mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nemashanu nemazana matanhatu anemakumi matatu nemumwechete kana kuti 295 631 vakabayiwa nhomba yekutanga ukuwo vanhu zviuru makumi matatu nezvinomwe nemazana matatu nemakumi matanhatu nevashanu kana kuti 37 365 vainge vabayiwa nhomba yechipiri mukupera kwezuva ranezuro.

Hurumende inoti iri kuda kubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba uye yave kusimbaradza kubayiwa kwenhomba kunzvimbo dziri kumiganhu nedzimwe nyika nedzinoshanyirwa nevekunze.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG