Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanovimbisa Rubatsiro kuVanhu Vakawirwa neTsaona yeDutumupengo Idai


Mauto achibatsira vanhu vakawirwa netsaona yeCyclone Idai kuChimanimani, mudunhu reManicaland.
Mauto achibatsira vanhu vakawirwa netsaona yeCyclone Idai kuChimanimani, mudunhu reManicaland.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vashanyira dunhu reChimanimani, rinove rimwe renzvimbo dzakaparadzwa nedutumupengo Cyclone Idai, kuti vazvionere vega kuparadzwa kwakaitwa misha, hupenyu hwevanhu, zvipfuwo, minda pamwe nemigwagwa.

Nhepfenyuro yeZ-B-C inoti VaMnangagwa vaudza vagari vedunhu iri kuti hurumende yavo ichaona kuti hapana munhu achafa nenzara sezvo hurumende yavo iri kuita zvose zvainogona kuti iwane zvinodiwa munguva yekuomerwa iyi.

Vanonzi vati rubatsiro rwuri kusvika muguta reMutare umo rwuri kuzotakurwa nezvokopokopo kuenda kunzvimbo dzakaparadzwa idzi.

Mutungamiri wenyika azivisawo kuti nyika dzakapoteredza Zimbabwe pamwe nedzimwe dziri kure dzakaita seTanzania, dziri kutumirawo rubatsiro rwakasiyanasiyana.

Vati migwagwa nemazambuko zvakaparadzwa nedutumupengo iri zvichagadzirwa, mazambuko achivakwa patsva.

Masangano nemakereke akasiyanasiyana pamwe nevanhuwo zvavo vari kuunganidza rubatsiro rwuri kuendeswa kunzvimbo dzeChimanimani neChipinge.

Muzinda weAmerica wazivisawo kuti uri kuisa zana rezviuru zvemadhora kuti mari iyi ibatsire mune zvakawanda, zvinosanganisira mvura yakachena.

Mumiriri wedunhu reManicaland pasi pehurongwa hweProportional Representation, Amai Lynette Karenyi, vanoti muWard 23 kuChimanimani, vanhu vanodarika zana nemakumi masere havasi kuzivikanwa kwavari.

Vanotiwo mitumbi mitanhatu yezvizvarwa zveZimbabwe yakawanikwa kuMozambique yakaradzikwa ikoko nemusi weChipiri.

Amai Karenyi vanoti chimwe chiri kuvarwadza ndechekuti pane imwe kiriniki pane madzimai akazvitakura ave kutoda kusununguka, asi hapana mishonga.

Hurukuro naAmai Lynette Karenyi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG