Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Vanoda Kuti Vanhu Vatange Vabaiwe Nhomba Svondo Rino


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti vari kutarisira kuti vanhu vatange kubayiwa vhiki rino nhomba yeCovid-19 yakasvika munyika neMuvhuro mangwanani kubva kuChina.

Hurumende inotiwo ine tarisiro yekuti panozopera gore rino vazhinji vanenge vabaiya nhomba senzira yekudzivirira kutapukira kwechirwere ichi.

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter, VaMnangagwa vakati vari kutarisira kuti vanu vabayiwe nhomba nechimbichimbi kuitira kudzivirira vanhu uye kuti hupfumi hwenyika hutange kusimukira.

VaMnangagwa vakatambira zviri pamutemo nhomba iyi kuState House neMuvhuro masikati kubva kumumiriri weChina muZimbabwe VaGuo Shaochun vange vakamirira mutungamiri wenyika yavo VaXi Jinping.

Mutevedzeri wegurukota rezvehutano Dr John Mangwiro vatsinhirawo mashoko aVaMnangagwa vachiti pamusoro penhomba vakapihwawo majekiseni acho vachiti vari kutarisira kuti kubaiwe kwenhomba iyi kutangwe chero vhiki rino.

Dr John Mangwiro vati tarisiro yehurumende ndeyekuti vanhu mamiriyoni gumi vange vabaiwa panopera gore rino.

Izvi zvatsigirwa nevakasanobata chigaro chemunyori mukuru mubazi rezvehutano VaRobert Mudyirandima avo vati kunyangwe hazvo hurumende iri kutarisira kubaya huwandu uhwu kuchiri kuitwa hurukuro nemakambani anogadzira nhomba dzeCovid-19.

VaMudyirandima vatiwo panenge pachibaiwa nhomba yeSinopharm yakagadzirwa kuChina iyi, hurumende inenge ichitoita tsvakurudzo yekuti nhomba iyi inoshanda here kumhando dzehutachiona weCovid-19 huri munyika.

Vachigamuchira nhomba iyi kuRobert Mugabe International Airport gurukota rezvehutano uyewo vari mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaConstantino Chiwenga varumbidza pamwe nekutenda nyika yeChina.

VaChiwenga vatiwo mucherechedzo wehushamwari hwakasimba pakati penyika mbiri idzi.

Vachitambidzawo nhomba iyi kunaVaChiwenga, mumiririri weChina muZimbabwe VaGuo Shaochun vatiwo Zimbabwe ishamwari yeChina nekudaro havana dambudziko nekubatsira nyika ino pakuiwanisa nhomba yeCovid-19.

Mumwe mugari wemuHarare, Muzvare Patricia Muchekeza vatiwo kunyangwe hazvo, hurumende yatambira nhomba yekutanga yekupiwa pachena vati shuviro yavo ndeyekuti hurumende itenge mishonga iyi nechimbi chimbi.

Izvi zvatsigirwawo nevaimbova gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera avo vati vanga vakatarisira kuti nhomba yekupiwa iyi ichauya pamwechete nenhomba zviuru mazana matanhatu hurumende yaiti vakatenga.

VaMadzorera vatiwo hurumende inofanirwa kungwarira kuti vasazosundwe kutenga nhomba yekuChina zvichienzaniswa nedzimwe nekuda kwekuti vapiwa zviuru mazana maviri pachena.

Mutungamiriri weZimbabwe Professional Nurses Union VaRobert Chiduku vatiwo kunyangwe hazvo vakoti vachiziva nezvekubaya nhomba vanoda rumwe ruzivo nezvenhomba yeCovid-19 zvinosanganisira kuti vaziviswe kuti nhomba iyi ichange ichibaiwa pai huye rutivi rwupi nezviratidzo kana isina kuwirirana nemuviri wemunhu vasati vabaya kana kubayiwa.

Vamwe vanga vari kunhandare yendege pasvika nhomba iy vanosanganisira gurukota rezvemari VaMthuli Ncube, vakasanobata chigaro chegurukota rekudyidzana nedzimwe nyika nemamwe makurukota ehurumende.

Vanamazvikokota munyaya dzezvemishonga kusanganisira veMedicines Control Authority of Zimbabwe vari kutarisirwa kuongorora nhomba iyi kuti ndeyechokwadi here kwemazuva maviri isati yatanga kubayiwa vanhu. Vari kutanga kubayiwa vanosanganisira vanachiremba, vakoti nevamwe vanoshanda muzvipatara, vanoshanda pamiganhu nenhandare dzendege uye vane zvirwere zvinovaisa panjodzi yakakura yekufa nechirwere ichi.

Nhomba iyi yakagadzirwa nekambani inonzi Sinopharm inova yehurumende yekuChina inogadzira mishonga.

China yakapa mvumo kuti nhomba iyi itange kubayiwa vanhu mukupera kwaZvita gore rapera. Nyika yakatanga kushandisa nhomba iyi iUnited Arab Emirates ichiteverwa neBahrain.

Dzimwe nyika dziri kutenga mushonga uyu dzinosanganisira Singapore, Turkey, Brazil ne Chile.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG