Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti VaMugabe Vave neMwedzi Mina Vachirapwa kuSingapore


Mugabe, Mnangagwa
Mugabe, Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaburitsa mashoko kuvatori venhau vachiti vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari muchipatara kuSingapore.

VaMnangagaw vati vanachiremba vavo rwendo rwuno vati vanoda nguva yekuvavheneka nekudaro vange vari muchipatara kubva muna Kubvumbi.

VaMnangagwa vati svondo rapera vakatumira nhumwa dzavo kuSingapore kunoona kuti VaMugabe vari kunzwa sei.

Vakatumirwa vanosanganisa munyori mukuru mudare reparamende Doctor Misheck Sibanda, chiremba waVaMugabe kwenguva yakareba Muzvinafundo Jonathan Matenga uye mukuru muhofisi yaVaMnangagwa VaIsaac Moyo.

VaMnangagwa vati vanhu ava vakavaudza kuti VaMugabe vave kunzwa zviri nani. Nhumwa idzi dzinonzi dzakati VaMugabe vanogona kuburitswa muchipatara chero nguva.

VaMnangagwa vakurudzira vemachechi kuti varambe vachinamatira VaMugabe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG