Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanonzi Vokundikana Kuzadzikisa Vimbiso Yavakaita paMotlanthe Commission


Mauto eZimbabwe
Mauto eZimbabwe

Muna 2018, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaumba komisheni yaitungamirwa nevaive mututungamiri wenyika yeSouth Africa VaKgalema Motlanthe.

Komisheni iyi yakaita kurudziro yekuti mhuri dzevakaurawa kana kukuvadzwa nemasoja mumhirizhonga yakaitika musi wa1 Nyaymavhuvhu 2018, zvichitevera kunonoka kuziviswa kwezvainge zvabuda musarudzo dzemutungamiriri wenyika dziripwe, mhuri idzi dzinoti hadzisati dzaripwa uye hadzisati dzaziva kuti ndiana chaiye akauraya kana kukuvadza hama dzavo.

Zvizhinji zvakanzi zvigadziriswe neMontlante Commission hazvisati zvagadziririswa. Asi hurumende inoti yakatoita zvimwe zvakanzi zvigadziriswe nekomisheni iyi.

Masangano anoshanda akazvimirira anoti reZimbabwe Peace Project (ZPP) neZimbabwe Human Rights NGO Forum anoti dzimwe mhuri idzi dzakatoenda kumatare kuti dziripwe uye hurumende iri kuto pikisa mutongo wakapihwa nedare repamusoro kuti mhuri idzi dziripwe.

VaWilbert Mandinde gweta reZimbabwe Human Rights NDO Forum riri kumirira vamwe vakapfurwa musi uyu, VaDzikamai Chimhanga naVaAndy Manyeruke vaudza Studio 7 kuti vaviri ava havasati varipwa asi hurumende iri kutopikisa mutongo wedare repamusoro wekuti ivaripe.

Muzvare Allison Charles, hanzvadzi yemushakabvu, Garvin Charles Dean, audza Studio 7 kuti hapana chavati vawana uye mwanasikana akasiyiwa nemushakabvu ave muForm 2 uye anoda rubatsiro rwemari yechikoro nezvimwe.

Muzvare Alison vanoti mhuri yavo inoda kuripwa pamwe nekuziva kuti ndiani akauraya hama yavo kuti vakwanise kuzorora pamweya yavo.

Mumiriri weimwe mhuri ine munhu akapfurwa akafa musi uyu uyo aramba kudomwa nezita, audzawo Studio 7 kuti hapana chavati vawana uye havachina tariro yekuripwa uye vave kutoenderera hupenyu hwavo.

Asi munyori mubazi rezvemutemo zvakare vaive munyori weMonthlante Commission, Amai Virginia Mabhiza, vaudza Studio 7 parunharare, kuti pane vamwe vanhu vakatoripwa vachiti bazi rezvemagariro evanhu rave kutobhadhara mari yechikoro yedzimwe mhuri dzakapinda mutsenkwende pabongozozo ra1 Nyamavhuvhu.

Zvimwe zvakanzi zviitwe neMonthlante Commission kuti mapurisa nemauto aite basa ravo achitevedza bumbiro remutemo uye Amai Mabiza vati bazi ravo ririkuita zvirongwa zvakawanda zvekudzidzisa mapurisa nemauto nezvebumbiro remutemo kuti ari tevedze pabasa ravo.

Mutungamiriri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly VaLovemorre Madhuku avo vaive nhengo yeMonthlante Commission, vanoti havasi kufara kuti masoja akauuraya vanhu haasati asungwa.

Mukuru weZPP, Muzvare Jestina Mukoko vaudza Studio 7 kuti kunyange Montlante Commission yakati mapurisa nemauto anofanira kutevedza bumbiro remutemo pabasa ravo, izvi hazvisi kuitika sezvo vari kuramba vachishunguradza vanhu panguva ino yedenda reCovid-19.

Zvimwe zvakakurudzirwa kuti zviitwe inyaya yekuvandudza mutemo wesarudzo kuti zvinenge zvabuda musarudzo zviziviswe nekukasika.

Mutungamiriri wenyika vakadoma chikwata chemakurukota chinotungamirirwa negurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, kuti chitungamire basa rekuvanduza mutemo wesarudzo pamwe nekuvandudza mimwe mitemo kuti iinderane nebumbiro remutemo.

Asi vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano reElection Resource Centre, VaSolomon Bhobhosibhunu, vanoti hapana chiri kuitwa kusandura mutemo wesarudzo.

Amai Mabhiza vati vane zvakawanda zvavari kuita sehurumende kuita zvakakurudzirwa neMonthlante Commission zvakaita sekuti mapato ezvematongerwo enyika ataurirane kuti agadzirise zvinhu munyika pasi pePolitical Actors Dialogue (POLAD) uyewo vati vari kutaurirana nemapato ezvematongerwo enyika nemasangano akasiyana siyana nekuti mapato ezvematongerwo enyika anyoreswe kuZimbabwe Electoral Commission.

Mutauriri weNational Peace and Reconciliation Commission, VaObert Gutu, vaudza Studio 7, kuti komisheni yavo iri kuedza napose painogona kugadzirisa zvinhu munyika kuti pave nekuregererana uye kuti vanhu vagare murunyararo.

VaGutu vati pane nyaya dzinodarika churu dzavari kuferefeta nechinangwa chekupodza marwadzo, kuregerena pamwe nekuti vakatadzirwa varipwe kuti munyika muve nerunyararo.

Vati bongozo ra1Nyamavhuvhu ndeimwe yenyaya idzi.

Tabvunza mutauriri weMDC Alliance Advocate Fadzayi Mahere kuti kuti vachapinda musarudzo dza2023 here kana hurumende ikatadza kutevedza Monthlante Commision vakati izvozvo hazvivatadzisi kupinda musarudzo.

Mhirizhonga yaNyamavhuvhu 2018 yakaitika mushure mekunge vatsigiri vebato rinopikisa reMDC Alliance neveruzhinji vamukuka chibhebhennega vachiratidzira kunoonka kuburitswa kwezvainge zvabuda musarudzo.

Mapurisa akatadza kupedza mhirizhonga iyi izvikazoita kuti abatsirwe nemasoja akaridza pfuti akauraya vanhu vatanhatu nekukuvadza vanhu vanodarika makumi matatu.

Zvitoro nemimwe midziyo inosanganisira motokari zvakaparadzwa mumhirizhonga iyi.

Zvichitevera mhirizhonga iyi, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakaumba komiti yaitungamirirwa nevaimbove mutungamiriri weSouth Africa, VaKaglema Monthlante kuti vaongororore kuti chii chakakonzera bongozozo pamwe nekupa pfungwa dzavo kuti chii chingaitwe kuti izvi zvisaitike zvakare.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG