Mutungamiri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, vari mu Rwanda kumusangano wechimbi chmbi we African Union. Vatungamiri vemu Africa vari kutarisirwa neChitatu kunyorerarana chibvumirano chekutengeserana.
Vachitaura mumusanagano wezvemabhizimusi waitwa mu Kigali, VaMnangagwa vati chisungo chiri kuitwa nenyika dzemu Africa ichi chinhu chaifanirwa kunge chakaitwa kare kare.
Vachitaurawo mumusangano wemabhizinesi, muzvinabhizinesi ane mukurumbira, VaStrive Taputaira Masiyiwa, avo vanova sachigaro we Econet Wireless Group, vatiwo zvakakosha kuti vemakambani vasasiyiwa kunze panorongwa zvehupfumi hwenyika nekuti ndivo vane basa guru rekuunza mabasa kune vechidiki.
Nyanzvi nemuongorori mune zvehupfumi va Persistence gwanyanya, uye vari mukuru we kambani ye Percycon Global Fund Managers, vataura pamusoro pe nzendo dzemukuru wenyioka idzi nekuti dzinobatsra nyika nei.Vati kune zvakawanda zvinofanirwa kana mukuru wenyika aching avhura hwaro hwemafambiro enyaya dzezvehupfumi hwe nyika.
Facebook Forum