Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa naVaChamisa Vokokwa kuZambia Asi VaMwonzora Vanoti Havana Kukokwa paKugadzwa kwaVaHichilima


VaNelson Chamisa naVaHakainde Hichilema

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri webato guru rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vasvika muZambia kwavakakokwa pakugadzwa kwemutungamiri mutsva wenyika iyi VaHakainde Hichilima nemusi weChipiri.

Vatungamiri venyika dzemuSADC nevamwe vemapato anopikisa vari kutarisirwa pahurongwa uhu.

VaHichilema vari kutarisirwa kutora mhiko munhandare yeHeroes Stadium pamberi pevatungamiri venyika ava nevamwe vakambotungamira nyika. Nekuda kwechirwere cheCovid-19, hurumende yeZambia inoti vari kupinda munhandare iyi vanhu vakakokwa zviri pamutemo chete.

Mutauriri wemutungamiri wenyika VeGeorge Charamba vakanyora padandemutande ravo reTwitter kuti VaMnangagwa vakakokwa zviri pamutemo naVaHichilima. Vanoti mutsamba yekuvakorokotedza vakatovazivisa kuti vanoda kuti vashande pamwe chete mukusimudzira nyika dzavo.

Vamwe vatosvika kuZambia ndiVaChamisa avo vanoti kukokwa kwavo kumhemberero hakuvashamise sezvo vaine hushamwari hwakakomba hwemakore naVaHichilema.

VaChamisa vanoti kukokwa kwemapato anopikisa mucherechedzo wekuti hapafanirwe kuita ruvengo pakati pemapato anenge achitonga neayo anopikisa munyika dzakasiyana.

Pavabvunzwa neStudio 7 kuti vakasangana nemutungamiri wenyika VaMnangagwa avo vakakokwawo kuZambia vachataura navo here VaChamisa vanoti hapana chinovatadzisa kutaura navo vakasangana sezvo vachivatora semukoma.

Kunyangwe hazvo mutungamiri webato rinopikisa muBotswana VaDumelang Saleshando vasina kunge vakokwa naVaHichilima, mutungamiri wenyika iyi VaMokgweetsi Masisi vaburitsa mashoko vachiti vavakoka pavanhu vanenge vakamirira nyika yavo.

Mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo
Lovemore Madhuku vanoti zvaitwa naVaHichilema chinhu chakanaka chinofanirwa kurumbidzwa.

Muzvinafundo Madhuku vanoti VaHichilema vangotora madzisahwira avo vachiti mune ramangwana mutungamiri haafanirwe kusarura.

Mukuru webato reMDC T VaDouglas Mwonzora avo vanoti havana kukokwa
kumhemberero vanoti kukowa kwemapato anopikisa neari kutonga idanho
rakanaka rinoderedza ruvengo pakati pemapato aya.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaRejoice Ngwenya vanoti sezvo
vanopikisa munyika dzakasiyana vaine mubatanidzwa wavo inzira yekusimbisana kuti hapana zvisingagoneke kuti vatongewo.

VaHichilema avo vakakwikwidza kashanu vachida kuita mutungamiri wenyika vachikundwa vakazokunda mutungamiri weZambia VaEdgar Lungu musarudzo dzakaitwa musiwa 12 Nyamavhuvhu.

VaHichilema vanova muzvinamabhizinisi vachagadzwa kuve mutungamiri
weZambia wechinomwe kubva nyika iyi zvayawana kuzvitonga kuzere muna 1964.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG